Eksodo 2:3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Paakazoona kuti haachagona kuramba akamuvanza, akatora tswanda yakarukwa nenhokwe, akainama netara nenamo, ndokuisa mwana wake imomo, akandoisa tswanda iyi mutsanga, kumahombekombe aNairi. Onani mutuwoBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Wakati asicagoni kumuʋanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebitumini nenamo, akaisa mŋana mukati mayo, akaigadzika pakati petsaŋga pamhenderekedzo dzorwizi. Onani mutuwoShona Bible 1949 revised 20023 Akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi. Onani mutuwoBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Paakazoona kuti haachagona kuramba akamuvanza, akatora tswanda yakarukwa nenhokwe, akainama netara nenamo, ndokuisa mwana wake imomo, akandoisa tswanda iyi mutsanga, kumahombekombe aNairi. Onani mutuwoBhaibhiri Idzva rechiShona3 Paakazoona kuti haachagona kuramba akamuvanza, akatora tswanda yakarukwa nenhokwe, akainama netara nenamo, ndokuisa mwana wake imomo, akandoisa tswanda iyi mutsanga, kumahombekombe aNairi. Onani mutuwoBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Asi akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe akainama netara nenamo. Ipapo akaisa mwana imomo ndokuiisa pakati petsanga dzaiva mumahombekombe aNairi. Onani mutuwo |