Jeremia 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jeremia unoɗanwa naJehova kuʋa Muprofita wake. 1 Mashoko aJeremia, mŋanakomana waHirkia, waiʋa worudzi rwaʋaprista ʋaiʋa paAnatoti panyika yaBenjamini: 2 Shoko raJehova rakaʋuya kwaari pamazuʋa aJosia, mŋanakomana waAmoni, mambo waJuda, negore regumi namatatu rokuɓata kwake ʋushe. 3 Rikaʋuya ʋo pamazuʋa aJehoiakimi, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, kuȿikira pakupera kwegore regumi nerimŋe raZedekia, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, kuȿikira pakutapxa kwaʋeJerusarema nomŋedzi wecishanu. 4 Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: 5 Ndakakuziʋa ndisati ndakuʋumba muɗumbu ramai, ndakakuita mutȿene usati waɓuɗa muciɀaro camai; ndakakugadza kuti uʋe muprofita wamarudzi aʋanhu. 6 Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Mŋari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mŋanana haŋgu. 7 Asi Jehova wakati kwandiri: Usati ndiri mŋanana; nokuti kunaaninani wandineŋge ndicikutuma, unofanira kuenda, necinhu cipi necipi candineŋge ndicikuraira, unofanira kucitaura. 8 Usatya nokuɗa kwaʋo, nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndinewe, kuti ndikurwire. 9 Ipapo Jehova akatambanudza ruʋoko rwake, akaɓata muromo waŋgu; Jehova akati kwandiri: Tarira, ndaisa mashoko aŋgu mumuromo mako. 10 Tarira, ndakugadza zuʋa ranhasi uʋe nesimba pamsoro pamarudzi noʋushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuʋaka nokurima. Unoratidzwa ɗaʋi romuamanda negate rinoʋira. 11 Ipapo shoko raJehova rakaʋuya ɀe kwandiri, riciti: Jeremia, unoʋonei? Ndikati: Ndinoʋona ɗaʋi romuamanda. 12 Ipapo Jehova akati kwandiri: Waʋona ɀakanaka; nokuti ndinoȿinurira shoko raŋgu, kuti ndiriite. 13 Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri rwecipiri, riciti: Unoʋonei? Ndikati: Ndinoʋona gate rinoʋira, muromo waro unotarira kuno‐uri kurutiʋi rwokumsoro. 14 Ipapo Jehova akati kwandiri: Kurutiʋi rwokumsoro ndiko kucaɓuɗa ɀakaipa ɀicawira ʋanhu ʋose ʋagere panyika ino. 15 Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinoɗana marudzi ose oʋushe ari kurutiʋi rwokumsoro; acaʋuya, rumŋe norumŋe rucaisa cigaro carwo coʋushe paʋanopinda pamasuʋo eJerusarema, napamaȿiŋgo aro kumatiʋi ose napamaguta ose aJuda, kuzorwa nawo. 16 Ndicareʋa ɀandakaʋatoŋgera pamsoro peɀakaipa ɀaʋo ɀose, ɀaʋakandirasha, ʋakapisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira, ʋakanamata maɓasa amaʋoko aʋo. 17 Ɀino iwe, ciɀisuŋga ciʋuno, usimuke, uʋaparidzire ɀose ɀandakakuraira; usavunduka nokuɗa kwaʋo, kuti ndirege kukuvundusa pamberi paʋo. 18 Nokuti tarira, ndakakuita zuʋa ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yeɗare, namaȿiŋgo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJuda, namacinda aʋo, naʋaprista ʋaʋo, naʋanhu ʋenyika. 19 Ʋacarwa newe, asi haʋaŋgakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire — ndiɀo ɀinotaura Jehova. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society