Baibulo la pa intaneti

- Zotsatsa -

Hosiya 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mukadzi woʋufeʋe waHosea unofananidzira Israeri.

1 Shoko raJehova, rakaȿika kunaHosea mŋanakomana waBeeri, namazuʋa aUzia naJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJuda, ʋuye namazuʋa aJeroboami mŋanakomana waJoashi, mambo waIsraeri.

2 Pakutaŋga kwokutaura kwaJehova naHosea, Jehova wakati kunaHosea: Enda undoɀitorera mukadzi woʋufeʋe naʋana ʋoʋufeʋe; nokuti nyika inofeʋa ɀikuru, ɀaʋakasiyana naJehova.

3 Naiɀoɀo wakaenda akatora Gomeri mukunda waDibraimi, iye akanaka pamuʋiri akamuɓerekera mŋanakomana.

4 Jehova akati kwaari: Mutumidze zita rinonzi Jezreeri, nokuti kwasara ciŋguʋa ciɗuku, ipapo ndicatsiʋa ropa reJezreeri paimba yaJehu, nokugumisa ʋushe bgeimba yaIsraeri.

5 Ɀino nezuʋa iro ndicavuna ʋuta bgaIsraeri mumupata weJezreeri.

6 Akanaka ɀe pamuʋiri, ndokuɓereka mŋanasikana. Jehova akati kwaari: Mutumidze iye zita rinonzi Ro‐ruhama; nokuti handicazonzwiri imba yaIsraeri nyasha nditoŋgoʋakaŋganwire.

7 Asi ndicanzwira imba yaJuda nyasha, ndicaʋaponesa naJehova Mŋari waʋo, handiŋgaʋaponesi noʋuta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabiza, kana naʋataȿi ʋamabiza.

8 Ɀino wakati arumura Ro‐ruhama, akanaka ɀe pamuʋiri, akaɓereka mŋanakomana.

9 Jehova akati: Mutumidze zita rinonzi Ro‐ami; nokuti imi hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, neni handiŋgaʋi Mŋari wenyu.

10 Kunyaŋge ɀakaɗaro kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kucaita sejeca reguŋgwa, risiŋgabviri kuyerwa kana kuʋereŋgwa; ɀicaitika kuti paya pakaŋga panzi kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, ndipapo paɀicanzi kwaʋari: Muri ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu.

11 Ʋana ʋaJuda naʋana ʋaIsraeri ʋacaʋuŋganidzwa pamŋe cete, ʋacaɀigadzira mukuru mumŋe, ndokubva panyika ino, nokuti zuʋa reJezreeri ricaʋa guru.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Titsatireni:



Zotsatsa