Habakuki 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)ƲaKardea ishamhu yaJehova. Muprofita unokumbirira ʋaJuda. 1 Cireʋo caMŋari cakaʋonekwa nomuprofita Habakuki. 2 Haiwa, Jehova, ndicaɗana kuȿikira riniko, imi musiŋganzwi? Ndinoɗana kwamuri pamsoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi. 3 Munondiratidzireiko ɀakaipa, munotarireiko ɀisakarurama? Nokuti kuparadza nokuita nesimba ɀiri pamberi paŋgu; rukaʋe ruri’po, ʋuye kukakaʋara kunomuka. 4 Saka murairo haunesimba, ʋuye kururamisira ʋamŋe hakucaʋonekwi; nokuti ʋakashata ʋanokomba ʋakarurama; saka kururamisira ʋamŋe kunoŋgoʋonekwa kwakaminama. 5 Tarirai pakati pamarudzi, muʋone, mushamiswe kwaɀo‐kwaɀo; nokuti ndinoɓate‐ɓasa pamazuʋa enyu, ramucaramba kutenda kunyaŋge muciɀiʋudzwa. 6 Nokuti tarirai, ndinomutsa ʋaKardea, rudzi runehasha runopeŋga, ʋanofamba panyika pose, kuti ʋaɀitorere ʋugaro ʋusati ʋuri bgaʋo. 7 Ʋanotyisa nokukarudza; kutoŋga kwaʋo nokukudzwa kwaʋo kunobva kwaʋari ʋamene. 8 Mabiza aʋo ʋo anomhanya acipfuʋura iŋgwe, anehasha kupfuʋura mapere amaɗekwana; ʋataȿi ʋaʋo ʋamabiza ʋanomhanya ʋaciuruka, ɀirokwaɀo ʋataȿi ʋaʋo ʋamabiza ʋanoʋuya ʋacibva kure, ʋanobururuka segondo rinokurumidzira kudya. 9 Ʋanoʋuya ʋose kuzoita nesimba; ɀiso ɀaʋo ɀakatarira mberi; ʋanoʋuŋganidza ʋatapxa sejeca. 10 Ɀirokwaɀo ʋanoɗaɗira madzimambo, macinda anosekwa naʋo; ʋanoseka nhare dzose, nokuti ʋanodzitutira guruʋa ndokudzikunda. 11 Ipapo ʋanopfuʋura semhepo, ndokuenda, asi ʋanemhoȿa, iʋo ʋanoita simba raʋo mŋari waʋo. 12 Imi Jehova, Mŋari waŋgu, Mutȿene waŋgu, hamuzakaʋa’po kubva pakutaŋga‐taŋga here? Isu hatiŋgafi. Jehova, imi makatema kuti ʋatoŋge, nemi ɗombo, makaʋaisa’po kuti ʋaraŋge. 13 Imi, munameso akaiȿo‐naka, asiŋgaɗi kutarira ɀakaipa, musiŋgaɗi kuʋona ɀisakarurama, munotaririreiko ʋanonyeŋgera, mucinyarara kana wakashata acimedza wakamupfuʋura nokururama; 14 muciita ʋanhu sehoʋe dzeguŋgwa, seɀinokambaira, ɀisinomuɓati? 15 Ʋanoʋaredza ʋose neciredzo caʋo, ʋanoʋaɓata mumumbure waʋo, ʋaciʋaʋuŋganidzira murutaʋa rwaʋo; naiɀoɀo ʋanofara kwaɀo ʋanomufaro. 16 Naiɀoɀo ʋanoɓayira mumbure waʋo, nokupisira rutaʋa rwaʋo ɀinonhuwira, nokuti mugoʋe waʋo wakakora naɀo, ɀokudya ɀaʋo ɀawanda. 17 Ɀino ʋaŋgaɗurura ɀiri mumumbure waʋo, ʋakaramba ʋaciʋuraya marudzi aʋanhu here? |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society