2 VaTesaronika 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kwaziso. 1 Pauro, naSirvano, naTimotio, kukereke yaʋaTesaronika munaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu: 2 Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu Pauro unoʋoŋga nokuti ʋanomira nesimba. 3 Tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, seɀaɀakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwaɀo, noruɗo rwenyu mose, mumŋe nomumŋe kunaʋamŋe, runowanda; 4 nokuɗaro isu timene tinoɀirumbidza mamuri pakereke dzaMŋari pamsoro pokutsuŋgirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo. 5 Ndiɀo ɀinoratidza kutoŋga kwakarurama kwaMŋari; kuti mugonzi makafanirwa noʋushe bgaMŋari, bgamunotambudzikira ʋo; 6 ɀaɀakarurama kunaMŋari, kuti atsiʋe nokutambudzika iʋaʋo ʋanokutambudzai; 7 nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamŋe cete nesu pakuʋonekwa kwaShe Jesu, kana acibva kuɗeŋga naʋatumŋa ʋesimba rake, 8 mumŋoto unopfuta, acitsiʋa aʋo ʋasiŋgaziʋi Mŋari, naʋasiŋgatereri Evaŋgeri yaShe weɗu, Jesu; 9 iʋo ʋacarobga nokuparadzwa kusiŋgaperi, kuti ʋabve pamberi paShe, napakubginya kwesimba rake, 10 kana aciʋuya kuzorumbidzwa muʋatȿene ʋake, nokukanukirwa munaʋose ʋanotenda nezuʋa irero; (nokuti kupupura kweɗu kwamuri kwakatendwa). 11 Naiɀoɀo tinokunyeŋgetererai ʋo ŋguʋa dzose, kuti Mŋari weɗu ati, makafanirwa nokuɗanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuɗa kwenyu kwose kuita ɀakanaka namaɓasa ose okutenda; 12 kuti zita raShe weɗu Jesu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, seɀadzakaita nyasha dzaMŋari weɗu nedzaShe Jesu Kristu. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society