Mapisarema 96 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Nyika yose ŋgairumbidze Jehova Mutoŋgi mukuru. 1 Imbirai Jehova rwiyo rutȿa; Imbirai Jehova, pasi pose. 2 Imbirai Jehova, rumbidzai zita rake; Paridzai kuponesa kwake zuʋa rimŋe nerimŋe. 3 Ƌudzirai kubginya kwake pakati paʋahedeni, Maɓasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose. 4 Nokuti Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo; Unofanira kutyiwa kupfuʋura ʋamŋari ʋose. 5 Nokuti ʋamŋari ʋose ʋendudzi ɀifananidzo haɀo; Asi Jehova wakaita kuɗeŋga‐ɗeŋga. 6 Kukudzwa noʋumambo ɀiri pamberi pake; Simba nokunaka ɀiri panɀimbo yake tȿene. 7 Ipai Jehova, imi mhuri dzaʋanhu, Ipai Jehova kukudzwa nesimba. 8 Ipai Jehova kukudzwa kunofanira zita rake; Ʋuyai necipiriso, mupinde muʋazhe dzake. 9 Namatai kunaJehova neŋguʋa tȿene; Pasi pose, bvunda pamberi pake. 10 Itiyi pakati paʋahedeni: Jehova ndiye unoɓata ʋushe; Nyika ʋo yakasimbiswa, kuti irege kuzunuŋguswa; Iye ucatoŋga ʋanhu ɀakarurama. 11 Kuɗeŋga‐ɗeŋga ŋgakufare, napasi ŋgapafare kwaɀo; Guŋgwa ŋgaritinhire, neɀose ɀiri mukati maro; 12 Saŋgo ŋgariʋe nomufaro, neɀose ɀiri mukati maro; Ipapo miti yose yeɗondo icaimba nomufaro; 13 PamberipaJehova, nokuti unoʋuya; Nokuti unoʋuya kuzotoŋga pasi; Ucatoŋga nyika ɀakarurama, Nendudzi nokutendeka kwake. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society