Mapisarema 94 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jehova ndiye Mutoŋgi wakarurama. 1 Jehova, imi Mŋari mutsiʋi, Imi Mŋari mutsiʋi, penyai. 2 Ɀisimudzei, imi Mutoŋgi wenyika; Ipai ʋanoɀikudza seɀaʋakafanira. 3 Jehova, ʋakaipa ʋacafara kwaɀo kuȿikira riniko, Ʋakaipa ʋacafara kwaɀo kuȿikira rini? 4 Ʋanoŋgotaura haʋo, ʋanotaura ʋaciɀikudza, Ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa ʋanoita manyawi. 5 Ʋanopxanya ʋanhu ʋenyu, Jehova, Ʋacitambudza nhaka yenyu. 6 Ʋanoʋuraya cirikadzi nomŋeni, Nenherera ʋanodziʋuraya. 7 Ʋaciti: Jehova haaɀiʋoni, Mŋari waJakobo haaɀiraŋgariri. 8 Raŋgarirai imi ʋasinenjere pakati paʋanhu; Nemi mapenzi, mucaʋa ʋakacenjera riniko? 9 Iye, wakasima nzeʋe, haaŋganzwi here? Iye, wakaʋumba ziso, haaŋgaʋoni here? 10 Iye, unoraŋga ʋahedeni, haaŋgarairi here, Iye, unodzidzisa ʋanhu ziʋo? 11 Jehova unoziʋa kufuŋga kwaʋanhu, Kuti haɀinamaturo. 12 Wakaropafadzwa munhu, unoraŋgwa nemi, Jehova, Iye wamunodzidzisa pamurairo wenyu; 13 Kuti mumuzorodzei pamazuʋa okutambudzika, Kuȿikira ʋakaipa ʋacererwa gomba. 14 Nokuti Jehova haaŋgarashi ʋanhu ʋake, Ʋuye haaŋgasiyi nhaka yake. 15 Nokuti kutoŋga kucadzokera kukururama; Ʋose ʋanemŋoyo yakarurama ʋacakuteʋera. 16 Ndianiko ucandirwira paʋaiti ʋeɀakaipa? Ndianiko ucandiɓatsira panaʋanoita ɀakaipa? 17 Ƌai Jehova asaiʋa muɓatsiri waŋgu, Mŋeya waŋgu uŋgaɗai wakakurumidza kugara pakati ŋwii. 18 Paŋguʋa yandakati: Rutsoka rwaŋgu rwotedzemuka; Ŋgoni dzenyu, Jehova, dzakanditsigira. 19 Mundaŋgariro dzaŋgu zhinji mukati maŋgu Kunyaradza kwenyu kunofadza mŋeya waŋgu. 20 Cigaro ceɀakaipa ciŋgashamŋaridzana nemi here, Ico cinofuŋga kuita ɀakashata nemitemo yaco? 21 Ʋanoʋuŋganira ʋupenyu bgowakarurama, Ʋacipa mhoȿa ropa risinemhoȿa. 22 Asi Jehova ndiye nhare yaŋgu yakasimba; Mŋari waŋgu iɗombo roʋutiziro bgaŋgu. 23 Ucadzosera pamsoro paʋo kutadza kwaʋo, Ucaʋaparadza pakati pokuipa kwaʋo; Jehova Mŋari weɗu ucaʋaparadza. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society