Mapisarema 93 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jehova ndiye Mambo mukuru. 1 Jehova unoɓata ʋushe; wakafuka ʋumambo; Jehova wakafuka simba, wakaɀisuŋga ciʋuno naro; Nyika ʋo yakateyiwa, haiŋgazunuŋguswi. 2 Cigaro cenyu coʋushe cakasimbiswa kubva kare; Imi muri’po kubva pakusiŋgaperi. 3 Jehova, nzizi dzakanzwisa, Nzizi dzakanzwisa manzwi adzo; Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo. 4 Jehova unokunda manzwi emvura zhinji, Namafuŋgu anesimba eguŋgwa, Jehova, uri kumsoro, ndiye unesimba. 5 Ɀipupuriro ɀenyu ndeɀamaɀokwaɗi kwaɀo; Ʋutȿene ʋunofanira imba yenyu, Jehova, nokusiŋgaperi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society