Mapisarema 92 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Rwiyo rwokurumbidza Jehova. Pisarema, rwiyo rwesaɓata. 1 Ɀakanaka kuʋoŋga Jehova, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumsoro‐soro; 2 Kuparidza ʋunyoro bgenyu maŋgwanani, Nokutendeka kwenyu ʋusiku bgose, 3 Necinoridzwa cinehuŋgiso gumi, nomuteŋgeranwa; Nenzwi rakanaka pambira. 4 Nokuti imi, Jehova, makandifadza neɀamakaita; Ndicafara kwaɀo namaɓasa amaʋoko enyu. 5 Maɓasa enyu akakura seiko, Jehova! Mifuŋgo yenyu yakadzika kwaɀo. 6 Usinenjere haaɀiziʋi; Ƃenzi harinzwisisi iɀoɀi: 7 Kana ʋakaipa ʋacimera soʋuswa, Ʋuye kana ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa ʋacikura; Ɀinoitwa kuti ʋaparadzwe nokusiŋgaperi. 8 Asi imi Jehova, muri kumsoro nokusiŋgaperi. 9 Nokuti tarirai; Jehova, ʋaʋeŋgi ʋenyu, Nokuti tarirai, Jehova, ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaparara; Ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa ʋacaparadzirwa. 10 Asi runyaŋga rwaŋgu makarusimudza sorunyaŋga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matȿa. 11 Ziso raŋgu rakaʋona ɀakaitirwa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Nzeʋe dzaŋgu dzakanzwa ɀakaitirwa ʋaiti ʋeɀakaipa, ʋakandimukira. 12 Wakarurama ucamera somucindwe; Ucakura somusidari paRebanoni. 13 Ʋakasimŋa mumba maJehova Ʋacakura muʋazhe dzaMŋari weɗu. 14 Ʋacaramba ʋaciɓereka ɀiɓereko pakukwegura kwaʋo; Ʋacaʋa ʋanyoro naʋatȿa; 15 Kuti ʋaparidze kuti Jehova wakarurama; Ndiye ɗombo raŋgu, hapanecinhu cisina‐kururama maari. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society