La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 91 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mufaro womunhu unoceŋgetwa naJehova.

1 Uyo ugere panɀimbo yokuʋanda yoWokumsoro‐soro Ucarambira pamumvuri woWamasimba‐ose.

2 Ndicati pamsoro paJehova: Ndiye ʋutiziro bgaŋgu nenhare yaŋgu; Iye Mŋari waŋgu, wandinoʋimba naye.

3 Nokuti iye ucakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napahosha inoʋuraya ɀikuru.

4 Iye ucakufukidza nemhineŋga yake, Ucatizira pasi pamapapiro ake; Ɀokwaɗi yake inhoʋo huru neɗuku.

5 Hauŋgatyi cinhu cinovundusa ʋusiku, Kana museʋe unofurwa masikati;

6 Kana hosha inofamba murima, Kana kuparadza kunoʋuraya masikati.

7 Kurutiʋi rwako kucawa ʋanegumi ramazana, Nezana ramazana paruʋoko rwako rworudyi; Asi haɀiŋgasweɗeri kwauri.

8 Ucaŋgoɀitarira hako nameso ako, Ukaʋona muɓayiro waʋakaipa.

9 Nokuti imi Jehova, muri ʋutiziro bgaŋgu! Iwe wakaita Wokumsoro‐soro ʋugaro bgako.

10 Hapana cakaipa ciŋgakuwira, Ʋuye hapanehosha icasweɗera patente rako.

11 Nokuti iye ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, Kuti ʋakuceŋgete panzira dzako dzose.

12 Ʋacakusimudza pamaʋoko aʋo, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge.

13 Ucatsika pamsoro peshumba neciʋa; Mŋana weshumba nenyoka ucaɀitsikirira pasi.

14 Ɀaakandiɗa, ndicamurwira; Ndicamuisa pakakwirira, nokuti wakaziʋa zita raŋgu.

15 Iye ucaɗana kwandiri, ndicamupindura; Ini ndicaʋa naye pakutambudzika; Ndicamurwira, nokumukudza.

16 Ndicamugutsa noʋupenyu ʋurefu, Nokumuratidza ruponeso rwaŋgu.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Síguenos en:



Anuncios