La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 90 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


BUKU IV Kufupika kwoʋupenyu bgomunhu.
Munyeŋgetero waMosesi, munhu waMŋari.

1 Ishe, makaŋga muri ʋugaro bgeɗu Pamarudzi namarudzi.

2 Makomo asati aɀarwa, Musati matoŋgosika nyika nevu, Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakusiŋgaperi imi muri Mŋari.

3 Munodzosera munhu kuguruʋa; Muciti: Dzokai ʋana ʋaʋanhu.

4 Nokuti kwamuri makore anecuru Akaŋgofanana nezuʋa razuro kana rapfuʋura, Seŋguʋa yokurinda yoʋusiku.

5 Munoʋakukura semvura zhinji; ʋaʋa sehope; Maŋgwanani ʋakaita soʋuswa ʋunomera.

6 Maŋgwanani ʋunotumbuka, ʋunomera; Maɗekwana ʋunodzurwa, ndokuȿaʋa.

7 Nokuti tinopedzwa nokutsamŋa kwenyu, Tinotambudzika nehasha dzenyu.

8 Makaisa ɀakaipa ɀeɗu pamberi penyu, Ɀiʋi ɀeɗu ɀakaʋanzika paciedza ceciso cenyu.

9 Nokuti mazuʋa eɗu ose anopfuʋura makatsamŋa; Makore eɗu anopera soruŋgano.

10 Mazuʋa amakore eɗu anoȿika makore makumi manomŋe, Kana tinesimba makore makumi masere; Asi kunyaŋge acikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo ɓedzi. Nokuti gare‐gare aenda, nesu tabururuka taenda.

11 Ndianiko unoziʋa simba rokutsamŋa kwenyu, Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe ɀakafanira here?

12 Tidzidzisei kunatso‐ʋereŋga mazuʋa eɗu, Kuti tiɀiwanire mŋoyo wakacenjera.

13 Dzokai Jehova; kuȿikira riniko? Muɀiɗembe pamsoro paʋaranda ʋenyu.

14 Tigutsei maŋgwanani neŋgoni dzenyu; Kuti tifarise, tiʋe nomufaro mazuʋa eɗu ose.

15 Tifadzei ɀinoenzana namazuʋa amakatitambudza, Namakore atakaʋona ɀakaipa.

16 Ɀamakaita ŋgaɀiʋonekwe naʋaranda ʋenyu, Nokubginya kwenyu pamsoro paʋana ʋaʋo.

17 Kunaka kwaJehova Mŋari weɗu ŋgakuʋe pamsoro peɗu; Mutisimbisire ɓasa ramaʋoko eɗu; Ɀirokwaɀo, ɓasa ramaʋoko eɗu murisimbise.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Síguenos en:



Anuncios