La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 89 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jehova unorumbidzwa pamsoro poʋukuru bgake nesuŋgano yake naDavidi.
Rwiyo rweMashiri rwaEtani muEzrahi.

1 Ndicaimba ndicireʋa ŋgoni dzaJehova nokusiŋgaperi; Ndicaparidza nomuromo waŋgu kutendeka kwenyu kumrudzi namarudzi.

2 Nokuti ndakati: Ŋgoni dzicaʋakwa nokusiŋgaperi; Mucasimbisa kutendeka kwenyu mukuɗeŋga‐ɗeŋga mumene.

3 Ndakaita suŋgano nomusanaŋgurwa waŋgu, Ndakapika kumuranda waŋgu Davidi, ndiciti:

4 Ndicamisa ʋana ʋako nokusiŋgaperi, Nokuʋaka cigaro cako coʋushe kuȿikira kumarudzi namarudzi.

5 Kuɗeŋga‐ɗeŋga kucarumbidza ɀishamiso ɀenyu, Jehova; Nokutendeka kwenyu ʋo paʋuŋgano yaʋatȿene.

6 Nokuti ndianiko muɗeŋga rose uŋgaenzaniswa naJehova? Ndianiko pakati paʋanakomana ʋaMŋari wakafanana naJehova?

7 Iye Mŋari unotyiwa ɀikuru paʋuŋgano yaʋatȿene, Unofanira kutyiwa kupfuʋura ʋose ʋanomupoteredza.

8 Haiwa, Jehova, Mŋari wehondo, Ndianiko unesimba, wakafanana nemi, Jehova? Kutendeka kwenyu kunokukomberedzai.

9 Ndimi munoɓata kuɀikudza kweguŋgwa; Kana mafuŋgu aro acisimuka, ndimi munoanyaradza.

10 Makaputsanya Rahabi, somunhu wakaʋurawa; Makaparadzira ʋaʋeŋgi ʋenyu noruʋoko rwenyu runesimba.

11 Kuɗeŋga‐ɗeŋga ndokwenyu, napasi ndopenyu ʋo; Nyika neɀose ɀayo, ndimi makaɀiteya.

12 Kumsoro nenyasi, ndimi makaɀisika; Tabori neHermoni anofara nezita renyu.

13 Munoruʋoko runesimba; Canza cenyu cinesimba, ruʋoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.

14 Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzecigaro cenyu coʋushe; Ŋgoni neɀokwaɗi ɀinokutuŋgamirirai.

15 Ʋakaropafadzwa ʋanhu ʋanoziʋa inzwi romufaro; Ʋanofamba, Jehova, muciedza ceciso cenyu.

16 Ʋanofara muzita renyu zuʋa rose; Ʋanosimudzwa nokururama kwenyu.

17 Nokuti imi muri kubginya kwesimba raʋo; Runyaŋga rweɗu rucasimudzwa netsitsi dzenyu.

18 Nokuti nhoʋo yeɗu ndeyaJehova; Namambo weɗu ndowoMutȿene waIsraeri.

19 Paŋguʋa iyo makataura naʋatsene ʋenyu pakuɀiratidza kwenyu, Mukati: Ndakaɓatsira mhare; Ndakasimudza mumŋe wakasanaŋgurwa pakati paʋanhu.

20 Ndakawana Davidi muranda waŋgu; Ndakamuzodza namafuta aŋgu matȿene;

21 Canza caŋgu cicasimbiswa naye; Ruʋoko rwaŋgu ʋo rucamusimbisa.

22 Muʋeŋgi haaŋgamumanikidzi; Mŋanakomana weɀakaipa haaŋgamutambudzi.

23 Ndicaparadza ʋadziʋisi ʋake pamberi pake, Ndicaroʋa ʋanomuʋeŋga.

24 Asi kutendeka kwaŋgu neŋgoni dzaŋgu ɀicaʋa naye; Runyaŋga rwake rucasimudzwa nezita raŋgu.

25 Ndicaisa ʋo ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, Noruʋoko rwake rworudyi pamsoro penzizi.

26 Iye ucaɗana kwandiri, aciti: Ndimi ɓaɓa ʋaŋgu, Mŋari waŋgu, neɗombo rokuponeswa kwaŋgu.

27 Ndicamuita ʋo ɗaŋgwe raŋgu, Mukuru wamadzimambo apasi.

28 Ndicamuceŋgetera ŋgoni dzaŋgu nokusiŋgaperi, Suŋgano yaŋgu icaramba yakasimba kwaari.

29 Ʋana ʋake ndicaʋagarisa ʋo nokusiŋgaperi, Cigaro cake coʋushe cicafanana namazuʋa okuɗeŋga.

30 Kana ʋana ʋake ʋakasiya murairo waŋgu, Ʋakasafamba neɀandakatoŋga;

31 Kana ʋakaɀidza ɀandakatema, Ʋakasaceŋgeta mirau yaŋgu;

32 Ipapo ndicaʋaraŋga neshamhu pamsoro pokuɗarika kwaʋo, Ʋuye nokuroʋa pamsoro pokuipa kwaʋo.

33 Asi handiŋgamutoreri ʋunyoro bgaŋgu cose, Kana kutendera kutendeka kwaŋgu kuitiswa nhema.

34 Suŋgano yaŋgu handiŋgaiɀidzi, Kana kushandura cinhu cakaɓuɗa pamuromo waŋgu.

35 Ndakapika kamŋe cete noʋutȿene bgaŋgu; Handiŋgareʋi nhema kunaDavidi;

36 Ʋana ʋake ʋacaʋa’po nokusiŋgaperi, Cigaro cake coʋushe cicafanana nezuʋa pamberi paŋgu.

37 Cicasimbiswa nokusiŋgaperi somŋedzi, Secapupu cakatendeka ciri kuɗeŋga.

38 Asi imi makarasha nokuramba, Makatsamŋira muzodzwa wenyu.

39 Makasema suŋgano yomuranda wenyu; Makaɀidza korona yake mukaikandira pasi.

40 Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matoŋgo.

41 Ʋose ʋanopfuʋura nenzira ʋanopamba nhumbi dzake; Waʋa cinhu cinosekwa naʋaanogara naʋo.

42 Makasimudza ruʋoko rworudyi rwaʋadziʋisi ʋake; Makafadza ʋaʋeŋgi ʋake ʋose.

43 Ɀirokwaɀo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna‐kumusimbisa pakurwa.

44 Makagumisa kubginya kwake, Makawisira pasi cigaro cake coʋushe.

45 Makatapudza mazuʋa oʋujaya bgake; Makamufukidza nokunyara.

46 Jehova, mucaɀiʋanza nokusiŋgaperi kuȿikira riniko? Kutsamŋa kwenyu kucapisa somŋoto kuȿikira riniko?

47 Haiwa, raŋgarirai kuti ŋguʋa yaŋgu ifupi kwaɀo; Kuti makasikira ʋana ʋaʋanhu ʋose ɀinhu ɀisinamaturo kwaɀo!

48 Ndoupiko munhu uŋgararama akasaʋona kufa, Uŋgarwira mŋeya wake pasimba reSheori here?

49 Ishe, ʋunyoro bgenyu bgakare ʋuripiko, Bgamakapika kunaDavidi nokutendeka kwenyu here?

50 Raŋgarirai, Ishe, kushoʋorwa kwaʋaranda ʋenyu; Kuti ndinotakura mucifuʋa caŋgu kushoʋora kwaʋanhu ʋazhinji;

51 Uko kwakashoʋora ʋaʋeŋgi ʋenyu nako, Jehova, Kwaʋakashoʋora nako makwara omuzodzwa wenyu.

52 Jehova ŋgaaʋoŋgwe nokusiŋgaperi. Ameni, ɀirokwaɀo, Ameni.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Síguenos en:



Anuncios