La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 88 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kucema kwomunhu uri panjodzi huru‐huru.
Rwiyo, Pisarema raʋanakomana ʋaKora; kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weMaharati Reanoti. Rwiyo rweMashiri rwaHemani muEzrahi.

1 Jehova, Mŋari muponesi waŋgu, Ndakacema masikati noʋusiku pamberi penyu;

2 Munyeŋgetero waŋgu ŋgaupinde pamberi penyu; Rerekerai nzeʋe yenyu munzwe kucema kwaŋgu;

3 Nokuti mŋeya waŋgu uzere namaɗambudziko, Ʋupenyu bgaŋgu bgosweɗera kuSheori.

4 Ndinoʋereŋgwa pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba; Ndakafanana nomunhu unoshaiwa muɓatsiri;

5 Ndakarashirwa pakati paʋakafa, Saʋakaʋurawa ʋaʋete mubgiro, Ʋamusati mucaraŋgarira; Ʋakagurwa paruʋoko rwenyu.

6 Makandiisa mugomba rakadzika‐dzika, Panɀimbo dzinerima, makadzika kwaɀo.

7 Hasha dzenyu dzinorema kwaɀo pamsoro paŋgu, Makanditambudza namafuŋgu enyu ose.

8 Makaisa ʋazikani ʋaŋgu kure neni; Makandiita cinhu cinonyaŋgadza kwaʋari; Ndakapfigirwa, handigoni kuɓuɗa.

9 Ziso raŋgu ropera nemhaka yokutambudzika; Ndakaɗana kwamuri, Jehova, zuʋa rimŋe nerimŋe, Ndakatambanudzira maʋoko aŋgu kwamuri.

10 Muŋgaitira ʋakafa ɀinoshamisa here? Ko ʋakaparara ʋaŋgamuka ʋakakurumbidzai here?

11 Ʋunyoro bgenyu ʋuŋgaparidzwa mubgiro here? Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here?

12 Ɀishamiso ɀenyu ɀiŋgazikanwa murima here? Nokururama kwenyu panyika yokukaŋganwa here?

13 Asi ndakacema kwamuri, Jehova, Munyeŋgetero waŋgu ucaȿika pamberi penyu maŋgwanani.

14 Jehova, munorashireiko mŋeya waŋgu? Munoʋanzireiko ciso cenyu kwandiri?

15 Kubva paʋuɗuku bgaŋgu ndakaŋga ndicitambudzwa ndicirwiso‐fa; Kana ndicityiswa nemi ndinoshaiwa mano.

16 Kutsamŋa kwenyu kukuru kwakapfuʋura napamsoro paŋgu; Kutyisa kwenyu kwakandiparadza.

17 Ɀakandikomberedza zuʋa rose semvura; Ɀakandipoteredza pamŋe cete.

18 Iye, unondiɗa, neshamŋari yaŋgu, makaʋaisa kure neni, Nomuzikani waŋgu uri murima.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Síguenos en:



Anuncios