La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 86 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Davidi unoʋimba nenyasha dzaJehova.
Munyeŋgetero waDavidi.

1 Rerekai nzeʋe dzenyu, Jehova, ndipindurei; Nokuti ndiri murombo nomushaiwi.

2 Ceŋgetai mŋeya waŋgu; nokuti ndiri muɗikanwa wenyu; Haiwa Mŋari waŋgu, ponesai muranda wenyu unoʋimba nemi.

3 Ndinzwirei ŋgoni, Ishe; Nokuti ndinoɗana kwamuri zuʋa rose.

4 Fadzai mŋeya womuranda wenyu; Nokuti ndinosimudzira mŋeya waŋgu kwamuri Ishe waŋgu.

5 Nokuti imi, Ishe, makanaka, munofarira kukaŋganwira, Muneŋgoni zhinji kunaʋose ʋanoɗana kwamuri.

6 Rerekerai nzeʋe yenyu, Jehova kumunyeŋgetero waŋgu; Tererai inzwi rokukumbira kwaŋgu.

7 Pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu ndicaɗana kwamuri, Nokuti mucandipindura.

8 Hapana‐wakafanana nemi pakati paʋamŋari, Ishe, Ʋuye hapana‐maɓasa akafanana namaɓasa enyu.

9 Ndudzi dzose dzamakaita dzicaʋuya kuzonamata pamberi penyu, Ishe, Dzicarumbidza zita renyu.

10 Nokuti imi muri mukuru, munoita ɀinhu ɀinoshamisa; Ndimi Mŋari woga.

11 Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehova, ndicafamba muɀokwaɗi yenyu, Ƃatanidzai mŋoyo waŋgu kuti nditye zita renyu.

12 Ndicakurumbidzai, Ishe Mŋari waŋgu, nomŋoyo waŋgu wose, Ndicarumbidza zita renyu nokusiŋgaperi.

13 Nokuti ŋgoni dzenyu ihuru kwandiri; Makarwira mŋeya waŋgu pagomba rakadzika‐dzika.

14 Mŋari, ʋanoɀikudza ʋakandimukira, Ʋuŋgano yaʋanhu, ʋanomanikidza, ʋakatȿaka mŋeya waŋgu, Haʋana‐kukuisai pamberi paʋo.

15 Asi imi, Ishe, muri Mŋari unetsitsi nenyasha, Hamukurumidzi kutsamŋa, muneŋgoni zhinji neɀokwaɗi.

16 Riŋgirai kwandiri, mundinzwire ŋgoni; Ipai muranda wenyu simba renyu, Muponese mŋanakomana womurandakadzi wenyu.

17 Ndiratidzei ciratidzo mundiitire ɀakanaka; Kuti ʋanondiʋeŋga ʋaɀiʋone, ʋanyadziswe; Nokuti imi Jehova, makandiɓatsira nokundinyaradza.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Síguenos en:



Anuncios