Mapisarema 85 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jehova ndiye Muɓatsiri. Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raʋanakomana ʋaKora. 1 Jehova, makafarira nyika yenyu; Makadzosa Jakobo pakutapxa. 2 Makakaŋganwira kutadza kwaʋanhu ʋenyu, Makafukidza ɀiʋi ɀaʋo ɀose. 3 Makabvisa kutsamŋa kwenyu kwose; Makaɀidzora pahasha dzenyu dzakanyanya. 4 Tidzosei, Mŋari muponesi weɗu, Gumisai hasha dzenyu kwatiri. 5 Ko mucaramba makatitsamŋira nokusiŋgaperi? Mucaȿitsa kutsamŋa kwenyu kumarudzi namarudzi here? 6 Imi hamuŋgatiraramisi ɀe here, Kuti ʋanhu ʋenyu ʋafare nemi? 7 Tiratidzei ŋgoni dzenyu, Jehova, Mutipe ruponeso rwenyu. 8 Ndicanzwa ɀicataura Mŋari Jehova; Nokuti ucataura rugare kuʋanhu ʋake, nokuʋatȿene ʋake; Asi ŋgaʋarege kudzokera ɀe kuʋupenzi. 9 Ɀirokwaɀo kuponesa kwake kuri pedyo naʋanomutya; Kuti kubginya kugare munyika yeɗu. 10 Ŋgoni neɀokwaɗi ɀakasoŋgana; Kururama norugare ɀakaȿetana. 11 Ɀokwaɗi inomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kuɗeŋga. 12 Ɀirokwaɀo, Jehova ucapa ɀinhu ɀakanaka; Nyika yeɗu icaɓereka ɀiɓereko ɀayo. 13 Kururama kucamutuŋgamirira; Kucagadzirira tsoka dzake nzira. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society