La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 84 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mufaro uri paimba yaMŋari.
Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weGititi. Pisarema raʋanakomana ʋaKora.

1 Ʋugaro bgenyu ʋunoɗikanwa sei, Imi Jehova wehondo!

2 Mŋeya waŋgu unoshuʋa, ɀirokwaɀo unopaŋga ʋazhe dzaJehova; Mŋoyo waŋgu nenyama yaŋgu ɀinoɗana kunaMŋari mupenyu.

3 Ɀirokwaɀo, shiri yakaɀiwanira imba, Nyeŋganyeŋga yakaɀiwanira ɗendere, painoisa ʋana ʋayo, Ipo paartari dzenyu, Jehova wehondo, Mambo waŋgu, naMŋari waŋgu.

4 Ʋakaropafadzwa ʋanogara mumba menyu; Ʋacagara ʋacikurumbidzai.

5 Wakaropafadzwa munhu unesimba rake mamuri; Unemigwagwa inoenda Zioni mumŋoyo make.

6 Kana ʋacipfuʋura nomumupata wakawoma, ʋanouita nɀimbo inamatsime; Ɀirokwaɀo, mvura yomunhuruka inoufukidza nemikomborero.

7 Ʋanowedzera simba pasimba raʋo, Mumŋe nomumŋe waʋo unoȿika pamberi paMŋari paZioni.

8 Haiwa, Jehova wehondo, inzwa munyeŋgetero waŋgu; Tererai nenzeʋe, Mŋari waJakobo.

9 Tarirai, Mŋari, nhoʋo yeɗu, Muʋone ciso comuzodzwa wenyu.

10 Nokuti zuʋa rimŋe paʋazhe dzenyu rinokunda mamŋe anecuru pakunaka. Ndinoti ɀirinani kuti ndiʋe murindi womukoʋa mumba maMŋari waŋgu, Pakuti ndigare pamatente aʋaneɀakaipa.

11 Nokuti Jehova Mŋari izuʋa nenhoʋo; Jehova ucapa nyasha nokukudzwa; Hapanecinhu cakanaka caaŋganyima ʋanofamba nokururama.

12 Jehova wehondo, Wakaropafadzwa munhu unoʋimba nemi.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Síguenos en:



Anuncios