La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 81 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋanhu ŋgaʋarumbidze Jehova, ʋamutende iye oga.
Kumutuŋgamiriri wokuimba; neGititi. Pisarema raAsafi.

1 Imbirai Mŋari kwaɀo, iye simba reɗu; Pururudzai kunaMŋari waJakobo.

2 Ʋambai rwiyo, muridze ŋgoma, Nembira dzinonakidza nomuteŋgeranwa.

3 Ridzai hwamanda pakugara kwomŋedzi, Napakucena kwomŋedzi, pamutambo weɗu wakatarwa.

4 Nokuti ndiɀo ɀakatemerwa Israeri, Ɀakarairwa naMŋari waJakobo.

5 Wakaɀitema munaJosefa kuti ciʋe cipupuriro, Paŋguʋa yaakandorwa nenyika yeEgipita; Pandakanzwa rurimi rwandakaŋga ndisiŋgaziʋi.

6 Ndakabvisa mutoro pafudzi rake; Maʋoko ake akaregedza ɗeŋgu.

7 Iwe wakaɗana pakutambudzika, ndikakurwira; Ndakakupindura ndiri panoʋanda kutinhira; Ndakakuidza pamvura zhinji yeMeriba.

8 Inzwai ʋanhu ʋaŋgu, ndikupupurirei; Haiwa Israeri, ɗai waiɗa hako kunditerera!

9 Ŋgakurege kuʋa’po pakati penyu mŋari wokumŋe; Musanamata kunomumŋe mŋari waʋatorwa.

10 Ndini Jehova Mŋari wako, Wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita; Shamisa muromo wako kwaɀo, ndigouzadza.

11 Asi ʋanhu ʋaŋgu haʋana‐kuterera inzwi raŋgu; Israeri wakandiramba cose.

12 Saka ndakaʋaregera paʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, Kuti ʋafambe namano aʋo.

13 Haiwa, ɗai ʋanhu ʋaŋgu ʋainditerera haʋo, Ƌai Israeri aifamba nenzira dzaŋgu!

14 Ndiŋgaɗai ndakakurumidza kukunda ʋaʋeŋgi ʋaʋo, Nokuroʋa ʋadziʋisi ʋaʋo noruʋoko rwaŋgu.

15 Ʋanoʋeŋga Jehova ʋaiɀiisa pasi pake; Asi ŋguʋa yaʋo yaiʋa’po nokusiŋgaperi.

16 Uŋgaɗai aiʋadyisa ʋo ɀiyo ɀakaiȿo‐naka; Ndaikugutsa noʋuci ʋunobva paɗombo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Síguenos en:



Anuncios