La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 79 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mŋari ŋgaakaŋganwire ʋanhu ʋake, aʋarwire.
Pisarema raAsafi.

1 Haiwa Mŋari, ʋahedeni ʋakapinda panhaka yenyu; Ʋakaȿiɓisa tembere yenyu tȿene; Jerusarema ʋakariita ɗoŋgo.

2 Ɀitunha ɀaʋaranda ʋenyu ʋakaɀipa shiri dzokuɗeŋga ɀiʋe ɀokudya ɀadzo. Ʋuye nyama yaʋatȿene ʋenyu ʋakaipa ɀikara ɀapasi.

3 Ʋakateʋura ropa raʋo pose‐pose paJerusarema semvura; Ʋakashaiwa unoʋaʋiga.

4 Taʋa cinhu cinoshoʋorwa naʋatigere naʋo, Cinhu cinoɀidzwa necinosekwa naʋakatipoteredza.

5 Haiwa Jehova, mucaramba makatsamŋa nokusiŋgaperi kuȿikira riniko? Goɗo renyu ricapfuta somŋoto here?

6 Ƌururai hasha dzenyu pamsoro paʋahedeni ʋasiŋgakuziʋiyi, Napamsoro poʋushe ʋuzhinji, ʋusiŋgaɗani zita renyu.

7 Nokuti ʋakapedza Jakobo, Ʋakaparadza ʋugaro bgake.

8 Musaraŋgarira kutiroʋa pamsoro peɀakaipa ɀamadziɓaɓa eɗu; Ŋgoni dzenyu nyoro ŋgadzikurumidze kusoŋgana nesu; Nokuti taneta kwaɀo.

9 Tiɓatsirei, Mŋari muponesi weɗu, nokuɗa kwomukurumbira wezita renyu; Mutirwire, mudzime ɀiʋi ɀeɗu nokuɗa kwezita renyu.

10 Ʋahedeni ʋacareʋereiko, ʋaciti: Mŋari waʋo uripiko? Kutsibga kweropa raʋaranda ʋenyu, rakateʋurwa, Ŋgakuzikanwe pakati paʋahedeni pamberi peɗu.

11 Kugomera kwomusuŋgwa ŋgakuȿike kwamuri; Noʋukuru bgesimba renyu ceŋgetai ʋana ʋorufu;

12 Mutsiʋire ʋagere nesu kanomŋe pacifuʋa caʋo Kushoʋora kwaʋakakushoʋorai nako, imi Ishe.

13 Naiɀoɀo isu ʋanhu ʋenyu, namakwai amafuro enyu, Ticakuʋoŋgai nokusiŋgaperi; Ticaratidza kurumbidzwa kwenyu kumarudzi namarudzi.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Síguenos en:



Anuncios