Mapisarema 78 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Raŋgarirai ɀamakaitirwa. Rwiyo rweMashiri rwaAsafi. 1 Tererai murairo waŋgu, imi ʋanhu ʋaŋgu; Rerekerai nzeʋe dzenyu munzwe mashoko omuromo waŋgu. 2 Ndicashamisa muromo waŋgu nditaure nomufananidzo; Ndicaparidza mashoko akaʋanzika ekare, 3 Ɀatakanzwa neɀatakaziʋa, Neɀatakaʋudzwa namadziɓaɓa eɗu. 4 Hatiŋgaɀiʋanziri ʋana ʋaʋo, Asi ticaʋudza rudzi runoteʋera maɓasa aŋgarumbidzwa aJehova, Nesimba rake, namaɓasa ake, anoshamisa, aakaita. 5 Nokuti wakamutsa cipupuriro pakati paJakobo, Akatema murairo pakati paIsraeri, Akaɀiraira madziɓaɓa eɗu, Kuti ʋaɀiziʋise ʋana ʋaʋo; 6 Kuti rudzi runoteʋera ruɀiziʋe, iʋo ʋana ʋacazoɓerekwa; Iʋo ʋasimuke ʋaɀiʋudze ʋana ʋaʋo; 7 Kuti tariro yaʋo iʋe kunaMŋari, Ʋarege kukaŋganwa maɓasa aMŋari, Asi ʋaceŋgete mirairo yake; 8 Ʋarege kufanana namadziɓaɓa aʋo, Rwakaŋga ruri rudzi rusiŋgatereri, rwakamukira Mŋari. Rudzi rwakaramba kururamisa mŋoyo yaʋo, Ʋuye mŋeya yaʋo yakaŋga isinokutendeka kunaMŋari. 9 Ʋana ʋaEfraimi, kunyaŋge ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa noʋuta, Ʋakadzokera shure pazuʋa rokurwa. 10 Haʋana‐kuceŋgeta suŋgano yaMŋari, Ʋakaramba kufamba nomurairo wake; 11 Ʋakakaŋganwa ɀaakaita, Namaɓasa ake akashamisa, aakaʋaratidza. 12 Wakaita ɀinhu ɀinoshamisa pamberi pamadziɓaɓa aʋo, Panyika yeEgipita, pasaŋgo reZoani. 13 Wakapamura guŋgwa, akaʋayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi. 14 Masikati ʋo wakaʋafambisa negore, Noʋusiku bgose neciedza comŋoto. 15 Wakapamura matombo murenje, Akaʋanwisa ɀakanaka kwaɀo sapamvura inobva pakadzika. 16 Wakaɓuɗisa ʋo hoʋa dzemvura paɗombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi. 17 Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaramba ʋacimutadzira, Nokumukira Wokumsoro‐soro murenje. 18 Ʋakaidza Mŋari mumŋoyo maʋo Ʋacikumbira ɀokudya ɀaʋakaŋga ʋaciɗa iʋo. 19 Ɀirokwaɀo, ʋakapopotera Mŋari; Ʋakati: Mŋari uŋgatigadzirira tafura murenje here? 20 Tarirai, wakaroʋa ɗombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hoʋa dzakayerera; Ko uŋgapa ciŋgwa ʋo here? Uŋgaʋigira ʋanhu ʋake nyama here? 21 Saka Jehova wakanzwa, akatsamŋa; Mŋoto ukaʋeserwa Jakobo, Kutsamŋa kukamukira Israeri; 22 Nokuti haʋana‐kutenda Mŋari, Haʋana‐kuʋimba nokuponesa kwake. 23 Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaraira ɗeŋga rose kumsoro, Akazarura mikoʋa yokuɗeŋga; 24 Akanisa mana pamsoro paʋo kuti ʋadye, Akaʋapa ɀiyo ɀokuɗeŋga. 25 Ʋanhu ʋakadya ciŋgwa caʋatumŋa; Wakaʋatumira ɀokudya kuȿikira ʋaguta. 26 Wakaɓuɗisa mhepo yakabva mabvazuʋa, ikarira kuɗeŋga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake. 27 Wakanisa ʋo nyama pamsoro paʋo ikaita seguruʋa, Neshiri, dzinamapapiro, dzikaita sejeca reguŋgwa; 28 Wakaɀiwisira pakati pemisasa yaʋo, Pose‐pose paʋakaŋga ʋagere. 29 Ipapo ʋakadya, ʋakaguta kwaɀo; Akaʋapa ɀaʋakaŋga ʋacikarira. 30 Ʋakaŋga ʋasati ʋanyaradza kukara kwaʋo, Ɀokudya ɀaʋo ɀakaŋga ɀiciri mumiromo yaʋo, 31 Kutsamŋa kwaMŋari kukaʋamukira, Akaʋuraya ʋakakoresa pakati paʋo, Akaparadza majaya aIsraeri. 32 Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaramba ʋacitadza, Ʋakasatenda maɓasa ake aishamisa. 33 Saka wakapedza mazuʋa aʋo paneɀisinamaturo, Namakore aʋo paneɀinotyisa. 34 Ɀino wakati aciʋaʋuraya, ipapo ʋakamubvunza; Ʋakadzoka, ʋakashiŋgaira kutȿaka Mŋari. 35 Ʋakaraŋgarira kuti Mŋari ndiye ɗombo raʋo, NaMŋari Wokumsoro‐soro mudzikinuri waʋo. 36 Asi ʋakamuɓata kumeso nomuromo waʋo, Ʋakamureʋera nhema nendimi dzaʋo. 37 Nokuti mŋoyo yaʋo yakaŋga isinakururama kwaari, Ʋuye ʋakaŋga ʋasina‐kutendeka pasuŋgano yake. 38 Asi iye, ɀaakaŋga anenyasha huru, wakaʋakaŋganwira kuipa kwaʋo, akasaʋaparadza; Ɀirokwaɀo, kazhinji wakadzora kutsamŋa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose. 39 Akaraŋgarira kuti ʋakaŋga ʋari nyama ɓedzi; Nemhepo, inopfuʋura, isiŋgadzoki ɀe. 40 Ʋakamumukira murenje kazhinji sei, Nokumunzwisa shuŋgu muciwunde! 41 Ʋakapamhidza ɀe, ʋakaidza Mŋari, Ʋakadziʋisa Mutȿene waIsraeri. 42 Haʋana‐kuraŋgarira ruʋoko rwake, Kana zuʋa raakaʋadzikinura pamudziʋisi. 43 Paŋguʋa yaakaʋaratidza ɀiratidzo ɀake paEgipita, Neɀishamiso ɀake pasaŋgo reZoani; 44 Akashandura nzizi dzaʋo dzikaʋa ropa, Nehoʋa dzaʋo, ʋakakoniwa kunwa mvura yadzo. 45 Akatuma pakati paʋo mapupira enhunzi, dzakaʋaruma; Namatafi, akaʋaparadza. 46 Ɀiɓereko ɀaʋo wakaɀipa mhundururu, Ɀaʋakaɓatira wakaɀipa mhashu. 47 Wakaparadza mizambiriŋga yaʋo necimvuramabge, Nemiʋonde yaʋo necando. 48 Ŋombe dzaʋo wakadziisa ʋo pacimvuramabge, Ɀipfuwo ɀavo wakaɀiisa pamheni. 49 Wakatuma pakati paʋo kutsamŋa kwake kukuru, Nehasha neshuŋgu nokutambudza, Rikaita ɓoka raʋatumŋa ʋeɀakaipa. 50 Wakagadzirira kutsamŋa kwake nzira; Haana‐kubvisa mŋeya waʋo parufu, Asi wakaisa ʋupenyu bgaʋo kuhosha; 51 Akaroʋa mataŋgwe ose paEgipita, Iʋo ʋokutaŋga ʋesimba raʋo pamatente aHami; 52 Asi wakaɓuɗisa ʋanhu ʋake samakwai, Akaʋaperekedza murenje seɓoka reɀipfuwo. 53 Akaʋafambisa ʋakafara, ʋakasatya; Asi guŋgwa rakafukidza ʋaʋeŋgi ʋaʋo. 54 Akaʋaȿitsa panyika yake tȿene, Pagomo iri, raakateŋga noruʋoko rwake rworudyi. 55 Akadziŋga ʋo ndudzi pamberi paʋo, Akaʋaganhurira iʋo ʋaʋe nhaka yaʋo, Akagarisa ʋaIsraeri pamatente aʋo. 56 Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaidza Mŋari Wokumsoro‐soro, ʋakamumukira, Ʋakasaceŋgeta ɀipupuriro ɀake; 57 Asi ʋakadzoka, ʋakaita ɀinonyeŋgera. Ʋakatsauka soʋuta ʋunonyeŋgera. 58 Nokuti ʋakamutsa kutsamŋa kwake namatunhu aʋo akakwirira, Ʋakamutsa goɗo rake neɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋeziwa. 59 Ɀino Mŋari wakati aciɀinzwa, akatsamŋa kwaɀo, Akasema Israeri kwaɀo‐kwaɀo. 60 Akabva patabernakeri yeShiro, Tente raakaŋga akaisa pakati paʋanhu; 61 Akaisa simba rake mukutapxa, Nokubginya kwake muruʋoko rwomudziʋisi. 62 Ʋanhu ʋake wakaʋaisa ʋo kumunondo; Akatsamŋira nhaka yake kwaɀo. 63 Mŋoto wakapedza majaya aʋo; Ʋasikana ʋaʋo haʋana‐kuimbirwa pakuwanikwa kwaʋo. 64 Ʋaprista ʋaʋo ʋakaʋurawa nomunondo; Cirikadzi dzaʋo hadzina‐kucema. 65 Ipapo Ishe wakapepuka somunhu wakaŋga aʋete, Semhare inoridza mhere nokuɗa kwewaini. 66 Akaroʋa ʋadziʋisi ʋake, ʋakadzokera shure; Akaʋanyadzisa ɀisiŋgaperi. 67 Wakaramba ʋo tente raJosefa, Akasasanaŋgura rudzi rwaEfraimi. 68 Asi wakasanaŋgura rudzi rwaJuda, Negomo reZioni raakaŋga aciɗa. 69 Akaʋaka nɀimbo yake tȿene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusiŋgaperi. 70 Wakasanaŋgura ʋo Davidi muranda wake, Akamubvisa pamataŋga amakwai; 71 Akandomutora paaifudza matunɀi aimŋisa, Kuti aʋe mufudzi waʋanhu ʋake Jakobo, naIsraeri nhaka yake. 72 Naiɀoɀo wakaʋafudza nokururama kwomŋoyo wake; Akaʋaperekedza noʋucenjeri bgamaʋoko ake. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society