La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 88 - Shona BIBLE


Kuchema kwomunhu ari panjodzi huru–huru
Rwiyo, Pisarema ravanakomana vaKora; kumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weMaharati Reanoti. Rwiyo rweMashiri rwaHemani muEzirahi.

1 Jehovha, Mwari muponesi wangu, Ndakachema masikati nousiku pamberi penyu;

2 Munyengetero wangu ngaupinde pamberi penyu; Rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu;

3 Nokuti mweya wangu uzere namatambudziko, Upenyu hwangu hwoswedera kuSheori.

4 Ndinoverengwa pamwechete navanoburukira kugomba; Ndakafanana nomunhu anoshaiwa mubatsiri;

5 Ndakarashirwa pakati pavakafa, Savakaurayiwa vavete muhwiro, Vamusati mucharangarira; Vakagurwa paruoko rwenyu.

6 Makandiisa mugomba rakadzika–dzika, Panzvimbo dzine rima, makadzika kwazvo.

7 Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, Makanditambudza na mafungu enyu ose.

8 Makaisa vazikani vangu kure neni; Makandiita chinhu chinonyangadza kwavari; Ndakapfigirwa, handigoni kubuda.

9 Ziso rangu ropera nemhaka yokutambudzika; Ndakadana kwamuri, Jehovha, zuva rimwe nerimwe, Ndakatambanudzira maoko angu kwamuri.

10 Mungaitira vakafa zvinoshamisa here? Ko vakaparara vangamuka vakakurumbidzai here?

11 Hunyoro hwenyu hungaparidzwa muhwiro here? Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here?

12 Zvishamiso zvenyu zvingazikanwa murima here? Nokururama kwenyu panyika yokukanganwa here?

13 Asi ndakachema kwamuri, Jehovha, Munyengetero wangu uchasvika pamberi penyu mangwanani.

14 Jehovha, munorashireiko mweya wangu? Munovanzireiko chiso chenyu kwandiri?

15 Kubva pauduku hwangu ndakanga ndichitambudzwa ndichirwisofa; Kana ndichityiswa nemi ndinoshaiwa mano.

16 Kutsamwa kwenyu kukuru kwakapfuura napamusoro pangu; Kutyisa kwenyu kwakandiparadza.

17 Zvakandikomberedza zuva rose semvura; Zvakandipoteredza pamwechete.

18 Iye, anondida, neshamwari yangu, makavaisa kure neni, Nomuzikani wangu ari murima.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios