Mapisarema 84 - Shona BIBLEMufaro uri paimba yaMwari Kumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weGititi. Pisarema ravanakomana vaKora. 1 Ugaro hwenyu hunodikanwa sei, Imi Jehovha wehondo! 2 Mweya wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha; Mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu. 3 Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba, Nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, Ipo paatari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu. 4 Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu; Vachagara vachikurumbidzai. 5 Akaropafadzwa munhu ane simba rake mamuri; Ane migwagwa inoenda Zioni mumwoyo make. 6 Kana vachipfuura nomumupata wakaoma, vanouita nzvimbo ina matsime; Zvirokwazvo, mvura yomunhuruka inoufukidza nemikomborero. 7 Vanowedzera simba pasimba ravo, Mumwe nomumwe wavo anosvika pamberi paMwari paZioni. 8 Haiwa, Jehovha wehondo, inzwa munyengetero wangu; Teererai nenzeve, Mwari waJakobho. 9 Tarirai, Mwari, nhoo yedu, Muone chiso chomuzodzwa wenyu. 10 Nokuti zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, Pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa. 11 Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhoo; Jehovha achapa nyasha nokukudzwa; Hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama. 12 Jehovha wehondo, Akaropafadzwa munhu anovimba nemi. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe