Mapisarema 83 - Shona BIBLEMunyengetero kuti Mwari arwire vanhu vake Rwiyo, Pisarema raAsafi. 1 Haiwa Jehovha, regai kuramba munyerere; Regai kuramba musingatauri, musanyarara Mwari. 2 Nokuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; Vanokuvengai vakasimudza misoro yavo. 3 Vanofunga mano kuti vanyengere vanhu venyu, Vanorangana pamusoro pavakavanzwa nemi. 4 Vakati, “Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi; Kuti zita raIsiraeri rirege kuzorangarirwa.” 5 Nokuti vakarangana nomwoyo mumwe; Vanoita sungano kuzorwa nemi. 6 Matende aEdhomu navaIshimaeri; Moabhu navaHagari; 7 Gebhari, naAmoni, naAmareki; Firisitia pamwechete navagere Taya; 8 Asiriawo wakasangana navo; Vakabatsira vana vaRoti. 9 Muvaitire sezvamakaitira Midhiani; NaSisera, naJabhini, paRwizi Kishoni; 10 Ivo vakaparadzwa paEndori; Vakava mupfudze wapasi. 11 Itai vakuru vavo saOrebhi naZeebhi; Zvirokwazvo, machinda avo ose saZebha naZarimuna; 12 Ivo vakati, “Ngatizvitorere Ugaro hwaMwari huve hwedu.” 13 Mwari wangu, muvaite seguruva rinondeyeswa nemhepo; Samakoto anodzingwa nemhepo. 14 Somoto unopisa dondo, Somurazvo womoto unopisa makomo; 15 Muvateverere saizvozvo nedutu renyu remhepo, Muvavhunduse nechamupupuri chenyu. 16 Fukidzai zviso zvavo nokunyadziswa; Kuti vatsvake zita renyu, Jehovha. 17 Ngavanyadziswe, vavhunduswe nokusingaperi; Zvirokwazvo, ngavanyadziswe vafe; 18 Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, Ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe