Mapisarema 81 - Shona BIBLEVanhu ngavarumbidze Jehovha, vamutende iye oga Kumutungamiriri wokuimba; neGititi. Pisarema raAsafi. 1 Imbirai Mwari kwazvo, iye simba redu; Pururudzai kuna Mwari waJakobho. 2 Vambai rwiyo, muridze ngoma, Nembira dzinonakidza nomutengeranwa. 3 Ridzai hwamanda pakugara kwomwedzi, Napakuchena kwomwedzi, pamutambo wedu wakatarwa. 4 Nokuti ndizvo zvakatemerwa Isiraeri, Zvakarairwa naMwari waJakobho. 5 Wakazvitema muna Josefa kuti chive chipupuriro, Panguva yaakandorwa nenyika yeIjipiti; Pandakanzwa rurimi rwandakanga ndisingazivi. 6 “Ndakabvisa mutoro pafudzi rake; Maoko ake akaregedza dengu. 7 Iwe wakadana pakutambudzika, ndikakurwira; Ndakakupindura ndiri panovanda kutinhira; Ndakakuidza pamvura zhinji yeMeribha. 8 Inzwai vanhu vangu, ndikupupurirei; Haiwa Isiraeri, dai waida hako kunditeerera! 9 Ngakurege kuvapo pakati penyu mwari wokumwe; Musanamata kuno mumwe mwari wavatorwa. 10 Ndini Jehovha Mwari wako, Akakubudisa panyika yeIjipiti; Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza. 11 Asi vanhu vangu havana kuteerera izwi rangu; Isiraeri wakandiramba chose. 12 Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo, Kuti vafambe namano avo. 13 Haiwa, dai vanhu vangu vainditeerera havo, Dai Isiraeri aifamba nenzira dzangu! 14 Ndingadai ndakakurumidza kukunda vavengi vavo, Nokurova vadzivisi vavo noruoko rwangu. 15 Vanovenga Jehovha vaizviisa pasi pake; Asi nguva yavo yaivapo nokusingaperi. 16 Angadai aivadyisawo zviyo zvakaisvonaka; Ndaikugutsa nohuchi hunobva padombo.” |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe