La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 96 - Shona Bible 1949 revised 2002


Nyika yose ngairumbidze Jehovha Mutongi mukuru

1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Imbirai Jehovha, pasi pose.

2 Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe.

3 Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni, Mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose.

4 Nokuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.

5 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha akaita kudenga-denga.

6 Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nokunaka zviri panzvimbo yake tsvene.

7 Ipai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.

8 Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, mupinde muvazhe dzake.

9 Namatai kuna Jehovha nenguva tsvene; Pasi pose bvunda pamberi pake.

10 Itiyi pakati pavahedheni, “Jehovha ndiye anobata hushe; Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa; Iye achatonga vanhu zvakarurama.”

11 Kudenga-denga ngakufare, kwazvo; Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro;

12 Sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro; Ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro;

13 Pamberi paJehovha, nokuti anouya; Nokuti anouya kuzotonga pasi; Achatonga nyika zvakarurama, Nendudzi nokutendeka kwake.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios