La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 95 - Shona Bible 1949 revised 2002


Jehovha ngaakudzwe ateererwe navanhu

1 Uyai, tiimbire Jehovha; Ngatipururudzei dombo rokuponeswa kwedu.

2 Ngatisvike pamberi pake tichivonga, Ngatimupururudzei namapisarema,

3 Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, Mambo mukuru anokunda vamwari vose.

4 Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; Misoro yamakomo ndeyakewo.

5 Gungwa nderake, ndiye akariita; Maoko ake akaumba nyika yakaoma.

6 Uyai, tinamate tikotamire pasi; Ngatipfugame pamberi paJehovha Muiti wedu.

7 Nokuti ndiye Mwari wedu, Isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake. Nhasi dai muchinzwa henyu izwi rake!

8 “Regai kuomesa mwoyo yenyu sapaMeribha, Sapazuva reMasa murenje;

9 Panguva yandakaidzwa namadzibaba enyu, Vakandiidza, vakaona zvandakaita.

10 Ndakanga ndine shungu pamusoro porudzi urwo makore makumi mana, Ndikati, ‘Ndivanhu vakarashika pamwoyo yavo, Havana kuziva nzira dzangu;’

11 Saka ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ”

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios