Mapisarema 94 - Shona Bible 1949 revised 2002Jehovha ndiye Mutongi akarurama 1 Jehovha, imi Mwari mutsivi, Imi Mwari mutsivi, penyai. 2 Zvisimudzei, imi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira. 3 Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira riniko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rini? 4 Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi. 5 Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu. 6 Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya. 7 Vachiti, “Jehovha haazvioni, Mwari waJakobho haazvirangariri.” 8 Rangarirai imi vasina njere pakati pavanhu; Nemi mapenzi, muchava vakachenjera riniko? 9 Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here? 10 Iye, anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo? 11 Jehovha anoziva kufunga kwavanhu, Kuti hazvina maturo. 12 Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha, Iye wamunodzidzisa pamurayiro wenyu; 13 Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika, Kusvikira vakaipa vachererwa gomba. 14 Nokuti Jehovha haangarashi vanhu vake, Uye haangasiyi nhaka yake. 15 Nokuti kutonga kuchadzokera kukururama; Vose vane mwoyo yakarurama vachakutevera. 16 Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa? Ndianiko achandibatsira panavanoita zvakaipa? 17 Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu, Mweya wangu ungadai wakakurumidza kugara pakati mwii. 18 Panguva yandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka;” Ngoni dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira. 19 Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu. 20 Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemi here, Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho? 21 Vanounganira upenyu hwowakarurama, Vachipa mhosva ropa risina mhosva. 22 Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba; Mwari wangu idombo routiziro hwangu. 23 Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo, Achavaparadza pakati pokuita kwavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe