La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 93 - Shona Bible 1949 revised 2002


Jehovha ndiye Mambo mukuru

1 Jehovha anobata ushe; akafuka umambo; Jehovha akafuka simba, akazvisunga chiuno naro; Nyikawo yakateyiwa, haingazununguswi.

2 Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kubva kare; Imi muripo kubva pakusingaperi.

3 Jehovha, nzizi dzakanzwisa. Nzizi dzakanzwisa manzwi adzo; Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo.

4 Jehovha anokunda mazwi emvura zhinji, Namafungu ane simba egungwa, Jehovha, ari kumusoro, ndiye ane simba.

5 Zvipupuriro zvenyu ndezvamazvokwadi kwazvo; Utsvene unofanira imba yenyu, Jehovha, nokusingaperi.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios