Mapisarema 90 - Shona Bible 1949 revised 2002Bhuku 4 ( Mapisarema 90—106 ) Kupfupika kwoupenyu hwomunhu Munyengetero waMosesi, munhu waMwari. 1 Ishe, makanga muri ugaro hwedu Pamarudzi namarudzi. 2 Makomo asati azvarwa, Musati matongosika nyika nevhu, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari. 3 Munodzosera munhu kuguruva; Muchiti, “Dzokai vana vavanhu.” 4 Nokuti kwamuri makore ane chiuru Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, Senguva yokurinda yousiku. 5 Munovakukura semvura zhinji; vava sehope; Mangwanani vakaita souswa hunomera. 6 Mangwanani hunotumbuka, hunomera; Madekwana hunodzurwa, ndokusvava. 7 Nokuti tinopedzwa nokutsamwa kwenyu, Tinotambudzika nehasha dzenyu. 8 Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, Zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu. 9 Nokuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa; Makore edu anopera sorungano. 10 Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda. 11 Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu, Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira here? 12 Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, Kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera. 13 Dzokai Jehovha; kusvikira riniko? Muzvidembe pamusoro pavaranda venyu. 14 Tigutsei mangwanani nengoni dzenyu; Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose: 15 Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, Namakore atakaona zvakaipa. 16 Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu, Nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo. 17 Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; Mutisimbisire basa ramaoko edu; Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe