La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 86 - Shona Bible 1949 revised 2002


Dhavhidhi anovimba nenyasha dzaJehovha
Munyengetero waDhavhidhi.

1 Rerekai nzeve dzenyu, Jehovha, ndipindurei; Nokuti ndiri murombo nomushaiwi.

2 Chengetai mweya wangu; nokuti ndiri mudikanwi wenyu; Haiwa Mwari wangu, ponesai muranda wenyu anovimba nemi.

3 Ndinzwirei ngoni, Ishe; Nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.

4 Fadzai mweya womuranda wenyu; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri Ishe wangu.

5 Nokuti imi, Ishe makanaka, munofarira kukanganwira, Mune ngoni zhinji kuna vose vanodana kwamuri.

6 Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha kumunyengetero wangu; Teererai izwi rokukumbira kwangu.

7 Pazuva rokutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, Nokuti muchandipindura.

8 Hapana akafanana nemi pakati pavamwari, Ishe, Uye hapana mabasa akafanana namabasa enyu.

9 Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, Ishe, Dzicharumbidza zita renyu.

10 Nokuti imi muri mukuru, munoita zvinhu zvinoshamisa; Ndimi Mwari woga.

11 Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu, Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.

12 Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose, Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.

13 Nokuti ngoni dzenyu ihuru kwandiri; Makarwira mweya wangu pagomba rakadzika-dzika.

14 Mwari, vanozvikudza vakandimukira, Ungano yavanhu, vanomanikidza, vakatsvaka mweya wangu, Havana kukuisai pamberi pavo.

15 Asi imi, Ishe muri Mwari une tsitsi nenyasha, Hamukurumidzi kutsamwa, mune ngoni zhinji nezvokwadi.

16 Ringirai kwandiri, mundinzwire ngoni; Ipai muranda wenyu simba renyu, Muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.

17 Ndiratidzei chiratidzo mundiitire zvakanaka; Kuti vanondivenga vazvione, vanyadziswe; Nokuti imi Jehovha, makandibatsira nokundinyaradza.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios