La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 85 - Shona Bible 1949 revised 2002


Jehovha ndiye Mubatsiri
Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema ravanakomana vaKora.

1 Jehovha, makafarira nyika yenyu; Makadzosa Jakobho pakutapwa.

2 Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, Makafukidza zvivi zvavo zvose.

3 Makabvisa kutsamwa kwenyu kwose; Makazvidzora pahasha dzenyu dzakanyanya.

4 Tidzosei, Mwari muponesi wedu, Gumisai hasha dzenyu kwatiri.

5 Ko mucharamba makatitsamwira nokusingaperi? Muchasvitsa kutsamwa kwenyu kumarudzi namarudzi here?

6 Imi hamungatiraramisizve here, Kuti vanhu venyu vafare nemi?

7 Tiratidzei ngoni dzenyu, Jehovha, Mutipe ruponeso rwenyu.

8 Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; Nokuti achataura rugare kuvanhu vake, nokuvatsvene vake; Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.

9 Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedyo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu.

10 Ngoni nezvokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana.

11 Zvokwadi zvinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga.

12 Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.

13 Kururama kuchamutungamirira; Kuchagadzirira tsoka dzake nzira.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios