Mapisarema 88 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaRumbo. Rwiyo rwevekwaKora. Muimbisi, rumbo urwu rwunoimbwa maimbiro eMaharatireanoti: Inhetembo yaHemani muEzira. Kukumbira rubatsiro munhamo 1 TENZI Mwari wangu, muponesi wangu ndinochema kwamuri siku nesikati. 2 Gamuchiraiwo munamato wangu teererai kuchema kwangu 3 nokuti ndiri kutambura zvikuru ndavakutosvika kunzvimbo yavakafa. 4 Ndavakutoverengerwa pakati paavo vanodzika kunzvimbo yavakafa. Ndiri murume asisina simba 5 somunhu akaraswa pakati pezvitunha savakafa varere muguva; savaya vamusisayeuki zvenyu nokuti havachisiri mumaoko menyu. 6 Makandiradzika mugomba rakadzika munzvimbo yerima pasi pasi. 7 Kunditsamwira kwenyu kunondiremera munonditsimbirira namasaisai enyu. Dzepfunde. 8 Munoita kuti vamwe vangu vandiseme muchiita kuti ndive chinhu chinosemesa kwavari. Makandizaririra zvokuti handikwanisi kupunyuka. 9 Ziso rangu rava kuonera madzerere pamusana pokutambura. Ndinodana kwamuri mazuva ose TENZI ndakasimudza maoko angu kwamuri. 10 Munoda kuitira zvishamiso vakafa here? Ko ivo vava zvimuvhuri-vhuri vangamuke kuzokurumbidzai here? Dzepfunde 11 Mwoyochena wenyu unoparidzwa muguva here kana kutendeka kwenyu munzvimbo yokuparadzwa? 12 Zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima here kana ururami hwenyu munzvimbo yavasina chavanoyeuka? 13 Asi ini ndinochema kwamuri TENZI; mangwanani munamato wangu unosvika pamberi penyu. 14 Nhai TENZI munondirasireikowo munondivanzireiko chiso chenyu? 15 Ndinotambura zvokunge ndichafa kubva pauduku hwangu. Ndinorwadziwa ini nezvamunoita zvinotyisa zvandishaisa zano. 16 Hasha dzenyu dzandimomotera; kundivhundutsira kwenyu kunondiparadza. 17 Zvinondikomba samapopopo emvura zuva rose; zvinondimomotera pamwechete. 18 Makaita kuti vanondida neshamwari dzangu vandiseme rima ndiro rava shamwari yangu. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe