Mapisarema 81 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMuimbisi, rumbo urwu rwaAsafu rwunoimbwa namaimbiro evokwaGati. Rumbo rwezuva guru 1 Imbirai Mwari wedu nesimba, iye simba redu, pururudzirai Mwari waJakobho norufaro. 2 Shaurai rumbo muridze tambureni, muridze chipendani nedimbwa zvinakidze. 3 Ridzai hwamanda pakugara kwomwedzi, pajena guru romwedzi, pazuva redu guru, 4 nokuti murawo weIsiraeri, chirevo chaMwari waJakobho. 5 Akatemera mutemo muna Josefi paakaenda kundorwisa Ijipiti ndakanzwa izwi randisati ndambonzwa, 6 “Ndakakurerutsira mutoro pamafudzi ako ndikaregesa maoko ako kubata tswanda. 7 Pakutambudzika kwako wakadanidzira ndikakununura. Ndakakupindura ndiri pakavanda ndiri makavanda mumheni. Ndakakuedza pamvura iya yokuMeribha.” Dzepfunde. 8 “Teererai munzwe vanhu vangu ndichikuyambirai. Dai mukanditeererawo zvenyu, imi vaIsiraeri. 9 Hapafaniri kuva navamwari vasiriivo pakati penyu. Hamufaniri kupfugamira mwari asingazivikanwi. 10 Ndini TENZI Mwari wako akakuburitsa munyika yeIjipiti, shamisisa muromo wako ndiuzadze. 11 “Asi vanhu vangu havana kunditeerera, Isiraeri yakanga isinei neni. 12 Saka ndakavarega vachiomesa musoro kuti vaite zvavanoda. 13 Dai vanhu vachingonditeerera zvavo, vaIsiraeri vachitevera nzira dzangu. 14 Ndaikurumidza kuti vavengi vavo vatevere muteto ndichirwisana nemhandu dzavo. 15 Vanovenga TENZI vaitohuta pamberi pake, chirango chavo chaibva chaita firapo. 16 Ndaikupai koroni yakanakisisa kuti mudye uye ndaikugutsai nouchi hwomudombo.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe