La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 79 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Rumbo rwaAsafu.
Nyika inochemera Mwari kununurwa

1 Mwari vanhu vechirudzi vakapinda munhaka yenyu vakan'oresa Temberi yenyu inoera vakaita Jerusaremu dongo.

2 Vakapa zvitunha zvavaranda venyu kushiri dzedenga kuti dzidye zvadzo uye nyama yavarurami venyu kuzvikara zvenyika.

3 Vakadeura ropa ravo semvura munharaunda yeJerusaremu, asi pakanga pasina wokuvaviga.

4 Tinoshorwa navavakidzani nesu, tinonyombwa nokusekwa navakatipoteredza.

5 Kusvikira riniko nhai TENZI? Muchashatirwa kusvikira nokusingaperi here? Shanje yenyu ichanganduma somoto here?

6 Virukirai vechirudzi nehasha, vasingakuzivei uye umambo husingadaidzi zita renyu

7 nokuti vakazhanya vokwaJakobho vakaparadza musha wavo.

8 Musatiyeukirewo zvitadzo zvedu zvakare. Tsitsi dzenyu ngadziuye nokukurumidza dzitichingurewo nokuti tasakara zvikuru.

9 Tibatsireiwo Mwari mununuri wedu kuitira mbiri yezita renyu. Tinunurei mutiregererewo zvitadzo zvedu kuitira zita renyu.

10 Vechirudzi vangarambireiko vachiti, “Mwari wavo aripi.” Ratidzai vechirudzi isu tichizviona kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rinenge radeurwa.

11 Kugomera kwomusungwa wenyu ngakusvike kwamuri, imi muchengetedze vakatongerwa kufa.

12 Tsividzai kakapetwa kanomwe vatakavakidzana navo zvavakakushorai nazvo imi TENZI.

13 Ipapo isu vanhu venyu, hwai dzedanga renyu tichakutendai nokusingaperi pazvizvarwa nezvizvarwa, tichakurukura mbiri yenyu.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios