Mapisarema 78 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaNhetembo yaAsafu. Chidziidzo chinobva kunhoroondo yavaIsiraeri 1 Teererai vanhu vangu kune zvandinokudzidzisai, rerekerai nzeve dzenyu kumazwi omuromo wangu. 2 Ndichazarura muromo wangu nomufananidzo ndichataura madimikira akadzama apasichigare, 3 zvinhu zvatakanzwa zvatinoziva, zvatakaudzwa namadzitateguru edu. 4 Hatingazvivanziri vana vavo, asi tinozvitaurira zvizvarwa zvinotevera, zviito zvaTENZI nesimba rake nezvishamiso zvaakaita. 5 Akadzika mutemo maJakobho akatema mutemo muIsiraeri yaakati madzibaba edu adzidzise vana vavo 6 kuitira kuti chizvarwa chinotevera chizvizive, ichocho chichazvarwa chimuke chizotaurirawo vana vacho 7 kuti vaise chivimbo chavo muna Mwari varege kukanganwa mabasa aMwari, asi kuti vachengete mitemo yake 8 uye kuti varege kuita samadzibaba avo vaiva tsvuuramuromo nechizvarwa chakapanduka, vaiva chizvarwa chisina kugadzana mwoyo, vakanga vasina mweya wokutendeka kuna Mwari. 9 VokwaEfuremu vaive vakapakata miseve nouta, vakadzokera shure pazuva rehondo. 10 Havana kuchengeta chitenderano chaMwari. Vakatoramba kutevera mutemo wake. 11 Vakakanganwa zvaakanga aita uye zvishamiso zvaakanga avaratidza. 12 Akaita minana pamberi pamadzitateguru avo munyika eIjipiti, mumasango okuZoani. 13 Akaganhura gungwa akavapfuudza nomo akamisa mvura kuita murwi. 14 Kumasikati aivatungamirira negore, usiku hwose aivatungamirira nerimi romoto. 15 Akatsemura matombo murenje akavapa mvura yokunwa yakawanda sokunge yaibva pasi pasi chaipo. 16 Akaburitsa tukova mudombo akaita kuti mvura iyerere sehova. 17 Asi vakatoramba vachimutadzira vachipandukira wokumusorosoro murenje. 18 Vakaedza Mwari mumwoyo yavo nokuramba vachingokumbira chokudya chavaipanga. 19 Vakapopotera Mwari vachiti, “Mwari angaisire vanhu chokudya pamberi pavo murenje here? 20 Akarova dombo wani mvura ikapozhoka, tukova tukafashukira. Angakwanise kupa chingwa here kana kupa vanhu vake nyama?” 21 Naizvozvo TENZI paakazvinzwa akazara nehasha. Akatungidza Jakobho nemoto. Hasha dzake dzakavirukira Isiraeri 22 nokuti vakanga vasingatendeseki naMwari, havana kuvimba nesimba rake rokununura. 23 Zvakadaro zvazvo akataurira matenga kumusoro akazarura makonhi okudenga. 24 Akavanaisira mana kuti vadye akavapa chingwa chokudenga. 25 Vanhu vakadya chingwa chavatumwa, akavatumira chokudya chakawanda. 26 Akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute kumatenga. Akatungamirira nesimba mhepo yokumaodzanyemba. 27 Akanaisa pavari nyama sohuruva, shiri dzina mapapiro sejecha ramakungwa. 28 Akadzidonhesa pakati pamatendhe avo munharaunda yose yapavaigara. 29 Vakadya vakanyatsoguta nokuti akavapa zvavaipanga. 30 Asi havi yavo isati yambopera, chokudya chichiri mukanwa mavo, 31 Mwari akavavirukira nehasha akauraya vakanyatsosimba vacho akarizha majaya akasvika eIsiraeri. 32 Zvakadaro zvazvo vakangoramba vachitadza chete, kunyange nezvishamiso zvake havana kuvimba naye. 33 Nezvo akanyangarisa mazuva avo sefemo, akanyangarisawo makore avo nepfumvu nechimbichimbi. 34 Paakavauraya vakamutsvaka vakatendeuka vakatsvakisisa Mwari. 35 Vakayeuka kuti Mwari ndiye dombo ravo uye kuti Mwari Wokumusorosoro ndiye mununuri wavo. 36 Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo vakamurevera nhema norurimi rwavo. 37 Vakanga vasiri pachokwadi naye, havana kuita zviri pachokwadi nechitenderano chake. 38 Asi iye netsiyenyoro dzake akavaregerera uipi hwavo akarega kuvaparadza, akadzora hasha dzake kazhinji, akarega kuviruka nehasha dzake dzose. 39 Akayeuka kuti vanongova nyama, mhepo zvayo inopfuura isingazodzokizve. 40 Kanganiko kavakamupandukira murenje vakamushatirisa mugwenga. 41 Vakamuedza kakawanda vakadenha Mutsvene waIsiraeri. 42 Havana kurangarira simba rake kana kurangarira zuva raakavanunura kumuvengi 43 paakaita zvishamiso zvake muIjipiti paakaita minana yake mumasango ekuZoani. 44 Akasandura hova dzikava ropa zvokuti havana kukwanisa kunwa mutukova twavo. 45 Akavatumira bute renhunzi dzakavadya namatafi akavaparadza. 46 Akapa mbeswa dzavo kumakonye uye muchero wamabasa avo kumhashu. 47 Akaparadza migirepisi yavo nechimvuramahwe uye mionde yavo nechando. 48 Akarova mombe dzavo nechimvuramahwe uye hwai akadzirova nemheni. 49 Akavavirukira kwazvo nehasha akavashatirirwa akavatsamwira zvikuru akavapa nhamo idzi dzaiva nhumwa dzake dzokuparadza. 50 Akavaputikira nehasha, haana kurega kuvauraya, akavaparadza upenyu nedenda. 51 Akauraya matangwe ose muIjipiti, vana vokutanga vesimba ravo mumatumba okwaHamu. 52 Iye akatungamirira vanhu vake sehwai akavatungamirira murenje sedanga. 53 Akavatungamirira zvisina njodzi zvokuti havana kutya asi gungwa rakafusira vavengi vavo. 54 Akavaunza kunyika yake inoera kugomo rake raakawana nesimba reruoko rwake rworudyi. 55 Akafanovatandira marudzi, akavakamuranisa migove yavo, akagarisa vaIsiraeri mumatendhe avo. 56 Vakaedza Mwari Wokumusorosoro, vakamupandukira uye havana kuchengeta mitemo yake. 57 Asi vakatotsauka vakaiita zvisina kutendeka samadzibaba avo; vakamonyoroka souta husina kutsarukana. 58 Nokuti vakamushatirisa nenzvimbo dzavo dzokunamatira dzakatunhumara; vakaita kuti aite shanje nokuda kwezvifananidzo zvavo zvokunamata. 59 Mwari paakazvinzwa akazara nehasha, akabva aramwa Isiraeri chaizvo. 60 Akafuratira nzvimbo yake yaaigara kuShiro, dumba raaigara pakati pavanhu. 61 Akaisa simba rake, paArika yechitenderano, kuutapwa, akaisa mbiri yake mumaoko omuvengi. 62 Akapinza vanhu vake mukuuraiwa nebakatwa rehondo akavirukira nhaka yake nehasha. 63 Majaya avo akavaroromesa nemoto, mhandara dzavo dzakashaya rumbo rwomuchato. 64 Vapristi vavo vakauraiwa namapakatwa chirikadzi dzavo hadzina kuvachema. 65 TENZI akaita seari kupepuka muhope segamba rakundwa newaini. 66 Akagarisa vavengi vake pasi, akavanyadzisa zvinogara zvakadaro. 67 Akaramba vemba yokwaJosefi. Akarega kusarudza vedzinza rokwaEfuremu, 68 asi paakasarudza vedzinza rokwaJudha veGomo reZioni raanoda, 69 akavaka ipapo nzvimbo yake inoera, nhunga makore chaiyo ikaita senyika yaakadzika pasichigare. 70 Akasarudza Dhavhidhi muranda wake akamutora kumatanga ehwai. 71 Akamubvisa mukufudza nhunzvi dzaiva navana, kuti ave mufudzi wevokwaJakobho vanhu vake Isiraeri, nhaka yake. 72 Akavafudza nemwoyo uri pachokwadi akavatungamirira nouchenjeri. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe