La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 91 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Mwari ndiye mudziviriri wedu

1 Munhu anogara mudumba roWokumusorosoro, anogara mumumvuri waSamasimbaose,

2 anogona kuti kuna TENZI, “Ndimi diziro rangu nhare.”

3 Nokuti achakununura kumunhu anokuteya zvakaipa uye kudenda rinoparadza.

4 Achakufukidza neminhenga yake uchiwana pokuhwanda mumapapiro ake. Kutendeka kwake inhowo yakatenderedza.

5 Zvinotyisa zvousiku hauzozvitya kana museve unokandwa masikati.

6 Kana mharadzi dzinofamba murima, nyange zvinoparadza masikati machena.

7 Kurutivi rwako kungawire zvako churu kurudyi kwako kugowira gumi rezviuru asi iwe hapana chinokusvika.

8 Uchangozvitarisawo nameso kuti uone mubayiro wavakaipa.

9 Nokuti unenge wati TENZI ndiye mudziviriri wangu waita musha wako muna Wokumusorosoro.

10 Hapana chakaipa chinokuwira kana denda rinosvikawo pamusha pako.

11 Nokuti achapa vatumwa vake basa rokukuchengeta panzira dzako dzose.

12 Vachakubata mumaoko kuti urege kugumbura tsoka yako pabwe.

13 Uchatsika zvako pamusoro peshumba nechiva. Shumba, ino chaiyo, yechidiki nenyoka, uchazvitsika-tsika pasi petsoka dzako.

14 Pamusana pokuti anoita chiname neni ndichamununura norudo. Ndichamudzivirira nokuti anoziva zita rangu.

15 Akadana kwandiri ndichamupindura; ndichava naye munhamo; ndichamununura ndichimuremekedza.

16 Ndichamugutsa noupenyu hurefu ndigoita kuti aone ruponeso rwangu.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios