Mapisarema 87 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaRwiyo urwu rumbo rwavana vokwaKora. Rumbo Jerusaremu amai venyika dzapasi pose 1 Pagomo rinoera ndipo pane guta rakavakwa naMwari. 2 Mwari anoda guta reZioni kupinda dzimwe nzvimbo dzose dzomaJakobho. 3 Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari. Dzepfunde. 4 Ndingagone kudoma veRahabhu neveBhabhironi kwoti veFirisitia neveTire nevekuItiopia pakati pavanondiziva zvichatonzi, “Uyu newoyo akaberekwa imomo.” 5 Kana zviri zveguta reZioni, zvingatonzi, “Nyika iyi neyoyo yakaberekwa imomo,” uye kuti Wokumusorosoro achaita kuti rimire. 6 TENZI anonyora mubhuku ravanhu achitoti nyika iyi neiyi yakaberekwa imomo. Dzepfunde. 7 Vaimbi uyewo vatambi vose vanoti, “Takatubuka mauri.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe