Mapisarema 97 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMwari ndiye mutongi pasi pose 1 TENZI ndimambo nyika ngaifare imi zvitsuwa zvizhinji farai. 2 Makore nezarima zvakamukomberedza ururami noruenzaniso ndizvo hwaro hwechigaro chake chokutonga. 3 Moto unofamba uri mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose. 4 Mheni yake inopenyesa pasi nyika inozviona igondengendeka. 5 Makomo anonyungudika senamo pamberi paTENZI, pamberi paTENZI wapasi pose. 6 Matenga anoparidza ururami hwake vanhu vose vanonzwa mbiri yake. 7 Vose vanonamata zvifananidzo, vanonyadziswa, vanozvikudza nezvifananidzo zvokunamata zvisina maturo, vamwari vose vanomugwadamira. 8 Guta reZioni rinozvinzwa rigofara uye tuguta twokwaJudha tugofara pamusana pokutonga kwenyu Mwari. 9 Nokuti imi TENZI ndimi mukurukuru pasi pose. Imi munorumbidzwa zvakanyanya kupinda vamwari vose. 10 TENZI anoda vanovenga uipi anochengetedza upenyu hwavatsvene vake, anovanunura mumaoko avakaipa. 11 Chiedza chinobudira varurami uye rufaro kune vane mwoyo uri pachokwadi. 12 Farai naTENZI imi makarurama tendai zita rake rinoera. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe