La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 96 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Mwari ndiye mambo wapasi pose
( 1 Nhor 16:23–33 )

1 Imbirai TENZI rwiyo rutsva pasi pose zvapo ngapaimbire TENZI!

2 Imbirai TENZI murumbidze zita rake paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.

3 Rondedzerai marudzi avanhu zvembiri yake nokundudzi dzose zvishamiso zvaakaita.

4 Nokuti TENZI mukuru, anofanira kurumbidzwa chaizvo pavamwari vose ndiye anofanira kutyiwa.

5 Nokuti vamwari vose vamarudzi ndavamwari vechipameso asi TENZI ndiye akasika matenga.

6 Chiremera nembiri ndezvake nzvimbo yake inoera yakasimba, inzvimbo yakanaka.

7 Imi mhuri dzose dzavanhu rumbidzai TENZI rumbidzai mbiri nesimba raTENZI!

8 Mbiri ngaiende kuna TENZI, mbiri inokodzerana nezita rake takurai chipo muuye nacho munhandare dzake!

9 Pfugamirai TENZI muine hanzu tsvene, pasi pose zvapo ngapadedere mberi kwake.

10 Taurai kumarudzi kuti, “TENZI ndiye anotonga, hongu nyika yakanyatsosimba, haitsukunyuki, achatonga marudzi zvine ruenzaniso.”

11 Matenga ngaafare, nyika ngaipururudze, gungwa ngaritinhire nezvosewo zvizeremo,

12 sango ngarifare kwazvo nezvosewo zvirimo. Miti yomusango ndopaichadaidzira nokufara,

13 kufarira TENZI, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama, achatonga ndudzi zviri pachokwadi.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios