Mapisarema 90 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaBHUKU RECHINA ( Nzi 90—106 ) Munamato waMosesi munhu waMwari 1 TENZI ndimi manga muri musha wedu pazvizvarwa zvose. 2 Makomo asati aberekwa musati masika nyika napasi pose. Muri Mwari narini narini, chingo nechingo. 3 Munopindura munhu kuva huruva munongoti vanhu, “Dzokerai kune zvamakanga muri.” 4 Nokuti churu chamakore kwamuri chakangoita sazuro kana chapfuura kana sakanguvana kokugaririra usiku. 5 Munotsvaira vanhu, vakaita sechiroto, vakaita souswa hunosvibirira mangwanani. 6 Kumangwanani hunomuka hwakasvibirira kumanheru hunouna hwosvava. 7 Nokuti hasha dzenyu dzinotiparadza. Tinobva taparara nokutya kushatirwa kwenyu. 8 Munoisa uipi hwedu pamberi penyu uye zvitadzo zvedu zvapachivande munozviisa pachena pauso hwenyu. 9 Mazuva edu ose anopfuura imi makashatirwa; makore edu anopera sefemo. 10 Makore oupenyu hwedu makumi manomwe kune vakasimba vanoita makumi masere asi akanaka acho inongova nhamo namatambudziko, haatani kupera, isuwo tobva tobhururuka toenda. 11 Ndiani anoziva panosvika hasha dzenyu. Hasha dzenyu dzakangoenzana nokutyisa kwenyu 12 saka tidzidziseiwo kuverenga mazuva edu kuti tingwarire. 13 Muchasvika kupiko nhai TENZI? Dzokai zvenyu muitire varanda venyu ngoni. 14 Tiratidzeiwo mwoyochena wenyu mangwanani kuti tipembere kufara uye tifare mazuva edu ose. 15 Tipeiwo kufara kwamazuva akaenzana namazuva amakatirwadzisa uye kwamakore atakaona nhamo. 16 Ratidzai mabasa enyu kuvaranda venyu uye mbiri yenyu kuvana vavo. 17 Nyasha dzatenzi Mwari wedu ngadzive patiri. Basa ramaoko edu muite kuti ribudirire. Hongu ngaribudirire basa ramaoko edu. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe