La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 87 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Rwiyo urwu rumbo rwavana vokwaKora. Rumbo
Jerusaremu amai venyika dzapasi pose

1 Pagomo rinoera ndipo pane guta rakavakwa naMwari.

2 Mwari anoda guta reZioni kupinda dzimwe nzvimbo dzose dzomaJakobho.

3 Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari. Dzepfunde.

4 Ndingagone kudoma veRahabhu neveBhabhironi kwoti veFirisitia neveTire nevekuItiopia pakati pavanondiziva zvichatonzi, “Uyu newoyo akaberekwa imomo.”

5 Kana zviri zveguta reZioni, zvingatonzi, “Nyika iyi neyoyo yakaberekwa imomo,” uye kuti Wokumusorosoro achaita kuti rimire.

6 TENZI anonyora mubhuku ravanhu achitoti nyika iyi neiyi yakaberekwa imomo. Dzepfunde.

7 Vaimbi uyewo vatambi vose vanoti, “Takatubuka mauri.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios