Mapisarema 84 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMuimbisi, urwu rumbo rwavana vokwaKora, rwunoimbwa maimbiro ovokwaGati. Kusuwira Temberi yaMwari 1 Hakusi kunaka ikoko kwakaita nzvimbo yenyu yamunogara imi TENZI wehondo nehondo. 2 Ndinobva ndatorwa mwoyo chaizvo, ndinodisisa kwazvo mipanda yaTENZI mwoyo wangu nenyama yangu zvinoimbira Mwari mupenyu norufaro. 3 Kunyange nzvidya inowanawo pokugara, kashiri kachizvivakira dendere rako pakanogona kukandirira vana vako kuatari dzenyu imi TENZI wehondo nehondo mambo wangu naMwari wangu. 4 Vakakomborerwa zvavo vanogara mumba menyu vachikurumbidzai. Dzepfunde. 5 Vakakomborerwa zvavo vanowana simba mamuri; vanodisisa migwagwa mikuru inoenda kuguta reZioni. 6 Pavanopfuura nomubani reBhaka vanoriita nzvimbo ine zvisipiti, mvura yemunhuruka inorizadza namadziva. 7 Vanoramba vachingosimba Mwari wavamwari achaonekwa muZioni. 8 TENZI wehondo nehondo inzwai munamato wangu. Teererai imi Mwari waJakobho. Dzepfunde 9 Tarisai muone Mwari nhoo yedu tarirai uso hwomuzodzwa wenyu. 10 Nokuti zuva rimwechete mumipanda yenyu riri nani pane churu chawo kumwe. Zviri nani zvangu kuva muchengeti wapamusuo mumba maMwari wangu panokugara mumatendhe avakaipa. 11 Nokuti Mwari izuva nenhoo, anoitira munhu mwoyochena uye anovasimudzira. TENZI hapana chaanonyima munhu anofamba pachokwadi. 12 TENZI wehondo nehondo, akakomborerwa zvake munhu anovimba nemi. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe