La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 83 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Rwiyo urwu rumbo rwaAsafu.
Kukumbira Mwari kuti vavengi veIsiraeri vakundwe

1 Mwari regai kunyarara, regai kungoti zii-i kudaro, Mwari kana kuramba makangoti zirikiti kunyarara.

2 Tarisai muone kuti vavengi venyu vari kuita bongozozo, vanokuvengai vari kusimudza musoro.

3 Vanoita mazano omuchivande, okurwisa vanhu venyu, vanorangana pachavo vanhu vamunochengetedza.

4 Vanoti, “Ngativatsvairei rudzi rwose, zita reIsiraeri rirege kuzomboyeukwazve.”

5 Vanobva vaita rimwe, kubatana kwazvo vachiita chitsidzirano chokurwisa imi

6 pamwechete nevemba yokwaEdhomu nevemba yokwaIshimaeri nevekwaMoabhu nevokwaHagari

7 nevekwaGebhari, nevekwaAmoni nevekwaAmareki, nevechiFirisitia navagari vokuTire.

8 VaAsiria vabatanawo navo ndivo vabatsiri vakuru nevokwaRoti. Dzepfunde.

9 Vaitei sezvamakaita vaMidhia kana zvamakaita Sisera naJabhini kurwizi rweKishoni.

10 Vakaparadzwa kuEndori, vakave mupfudze wevhu.

11 Itai kumakurukota avo sezvamakaita kuna Orebhu naZeebhu; machinda avo ose sezvakaita Zebha naZarimuna

12 vakati, “Ngatizvitorerei zvedu mafuro aMwari.”

13 Mwari wangu vaitei sohuruva yechamupupuri sehundi inopupurutswa nemhepo.

14 Sokupisa kunoita moto sango sezvinoita rimi rinoririmisa makomo,

15 saizvozvo varondei nedutu renyu muvatyisidzire nemhepo ine simba.

16 Vadonhedzei uso nenyadzi kuti vatsvake zita renyu TENZI.

17 Ngavanyadziswe vanyare nokusingaperi ngavaparadzwe zvinonyadzisa.

18 Ngavazive kuti imi moga, mune zita rokuti Yahweh ndimi Mukurukuru pasi pose.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Síguenos en:



Anuncios