La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 95 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Pisarema 95

1 Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.

2 Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo.

3 Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.

4 Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake.

5 Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.

6 Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;

7 nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,

8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,

9 pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.

10 Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.”

11 Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Síguenos en:



Anuncios