Mapisarema 92 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona ChanhasiPisarema 92 Pisarema. Rwiyo rweSabata. 1 Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro, 2 kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku, 3 nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira. 4 Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu. 5 Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei! 6 Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi, 7 kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi. 8 Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi. 9 Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa. 10 Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu. 11 Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa. 12 Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni; 13 wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu. 14 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva. 15 Vachaparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.” |
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Biblica, Inc.