La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 87 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Pisarema 87
Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo.

1 Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;

2 Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho.

3 Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera

4 “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ”

5 Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”

6 Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera

7 Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Síguenos en:



Anuncios