La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 85 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Pisarema 85
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha; makadzosera Jakobho nhaka yake.

2 Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, uye mukafukidza zvivi zvavo zvose. Sera

3 Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose, mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.

4 Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu, mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu.

5 Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here? Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose here?

6 Ko, hamungatimutsiridzizve here, kuti vanhu venyu vagofara mamuri?

7 Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha, mugotipawo ruponeso rwenyu.

8 Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari; anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake, asi ngavasadzokerazve kuupenzi.

9 Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.

10 Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana.

11 Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga.

12 Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka, uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.

13 Kururama kuchamutungamirira, uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake.

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Síguenos en:



Anuncios