La Biblia Online

- Anuncios -


Mapisarema 82 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Pisarema 82
Pisarema raAsafi.

1 Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti,

2 “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera

3 Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.

4 Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.

5 “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

6 “Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’

7 Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.”

8 Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Síguenos en:



Anuncios