Numeri 33 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kufamba kwaʋaIsraeri kubva Egipita kuȿikira Kanani. 1 Ndidzo nzendo dzaʋana ʋaIsraeri, pakuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita namapoka aʋo ʋacituŋgamirirwa naMosesi naAroni. 2 Mosesi akanyora kusimuka kwaʋo nenzendo dzaʋo, arairwa naJehova; ndidzo nzendo dzaʋo nokusimuka kwaʋo. 3 Ʋakasimuka paRamesesi nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wokutaŋga; maŋgwanani akateʋera paseka ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa noruʋoko runesimba pamberi paʋaEgipita ʋose, 4 ʋaEgipita ʋaciʋiga mataŋgwe aʋo ose, akaŋga aʋurawa naJehova pakati paʋo; Jehova akatoŋga ʋo ʋamŋari ʋaʋo. 5 ƲaIsraeri ʋakasimuka paRamesesi, ʋakandodzika matente aʋo paSukoti. 6 Ʋakasimuka paSukoti, ʋakandodzika paEtami, pamuʋuyo werenje. 7 Ʋakasimuka paEtami, ʋakadzokera Pi‐hahiroti, pamberi peBaari‐sefoni, ʋakadzika pamberi peMigdori. 8 Ʋakasimuka pamberi peHahiroti, ʋakapinda nomukati meguŋgwa, ʋakaȿika murenje; ʋakafamba mazuʋa matatu murenje reEtami, ʋakandodzika paMara. 9 Ʋakasimuka paMara, ʋakaȿika Erimi; paErimi pakaŋga panamatsime anegumi namaʋiri emvura, nemiti yemicindwe inamakumi manomŋe; ʋakadzika matente aʋo ipapo. 10 Ʋakasimuka paErimi, ʋakandodzika paGuŋgwa Dɀuku. 11 Ʋakasimuka paGuŋgwa Dɀuku, ʋakandodzika murenje reSini. 12 Ʋakasimuka murenje reSini, ʋakandodzika paDofka. 13 Ʋakasimuka paDofka, ʋakandodzika paArushi. 14 Ʋakasimuka paArushi, ʋakandodzika paRefidimi, pakaŋga pasine‐mvura yokunwa yaʋanhu. 15 Ʋakasimuka paRefidimi, ʋakandodzika murenje reSinai. 16 Ʋakasimuka murenje reSinai, ʋakandodzika paKibroti‐hatava. 17 Ʋakasimuka paKibroti‐hatava, ʋakandodzika paHazeroti. 18 Ʋakasimuka paHazeroti, ʋakandodzika paRitma. 19 Ʋakasimuka paRitma, ʋakandodzika paRimoni‐perezi. 20 Ʋakasimuka paRimoni‐perezi, ʋakandodzika paRibna. 21 Ʋakasimuka paRibna, ʋakandodzika paRisa. 22 Ʋakasimuka paRisa, ʋakandodzika paKeherata. 23 Ʋakasimuka paKeherata, ʋakandodzika pagomo reSheferi. 24 Ʋakasimuka pagomo reSheferi, ʋakandodzika paHarada. 25 Ʋakasimuka paHarada, ʋakandodzika paMakeroti. 26 Ʋakasimuka paMakeroti, ʋakandodzika paTahati. 27 Ʋakasimuka paTahati, ʋakandodzika paTera. 28 Ʋakasimuka paTera, ʋakandodzika paMitka. 29 Ʋakasimuka paMitka, ʋakandodzika paHashmona. 30 Ʋakasimuka paHashmona, ʋakandodzika paMoseroti. 31 Ʋakasimuka paMoseroti, ʋakandodzika paBene‐jakani. 32 Ʋakasimuka paBene‐jakani, ʋakandodzika paHori‐hagidgadi. 33 Ʋakasimuka paHori‐hagidgadi, ʋakandodzika paJotbata. 34 Ʋakasimuka paJotbata, ʋakandodzika paAbrona. 35 Ʋakasimuka paAbrona, ʋakandodzika paEzioni‐geberi. 36 Ʋakasimuka paEzioni‐geberi, ʋakandodzika murenje reZini (ndipo paKadeshi). 37 Ʋakasimuka paKadeshi, ʋakandodzika pagomo reHori, pamuʋuyo wenyika yeEdomi. 38 Aroni muprista akakwira pagomo reHori, arairwa naJehova, akafira’po, negore ramakumi manna rokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri paEgipita, nomŋedzi wecishanu, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi. 39 Aroni wakaŋga anamakore anezana namakumi maʋiri namatatu pakufa kwake pagomo reHori. 40 Ɀino mambo weAradi, muKanani, wakaŋga agere kurutiʋi rweZasi munyika yeKanani, akanzwa kuti ʋana ʋaIsraeri ʋoʋuya. 41 Ʋakasimuka pagomo reHori, ʋakandodzika matente aʋo paZarmona. 42 Ʋakasimuka paZarmona, ʋakandodzika paPunoni. 43 Ʋakasimuka paPunoni, ʋakandodzika paOboti. 44 Ʋakasimuka paOboti, ʋakandodzika paIye‐abarimi, pamuganhu weMoabi. 45 Ʋakasimuka paIyimi, ʋakandodzika paDiboni‐gadi. 46 Ʋakasimuka paDiboni‐gadi, ʋakandodzika paArmoni‐dibrataimi. 47 Ʋakasimuka paArmoni‐dibrataimi, ʋakandodzika paAbarimi, pamberi peNebo. 48 Ʋakasimuka pamakomo eAbarimi, ʋakandodzika pamapani eMoabi, paJoridani paJeriko. 49 Ʋakadzika matente aʋo paJoridani, kubva paBeti‐jeshimoti kuȿika paAberishitimi, pamapani eMoabi. 50 Ɀino Jehova akataura naMosesi pamapani eMoabi, paJoridani paJeriko, akati: 51 Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mayambuka Joridani, mukaȿika munyika yeKanani, 52 munofanira kudziŋga ʋanhu ʋose ʋagere munyika pamberi penyu, nokuparadza ɀifananidzo ɀaʋo ɀamabge, nokuparadza ɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋumbga, nokuputsa nɀimbo dzaʋo dzakakwirira. 53 Munofanira kutora nyika, iʋe yenyu, mugare’mo; nokuti ndakakupai nyika iyo, iʋe yenyu. 54 Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; ʋazhinji munofanira kuʋapa nhaka zhinji, ʋashoma munofanira kuʋapa nhaka shoma; seɀaakagoʋerwa nemijenya, saiɀoɀo inofanira kuʋa nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadziɓaɓa enyu. 55 Asi kana musiŋgaɗi kudziŋga ʋanhu ʋagere munyika pamberi penyu, ipapo iʋo kwaʋari ʋamunorega ʋacaʋa secinhu cinoɓaya pameso enyu, neseminzwa panhiʋi dzenyu, ʋacarwa nemi munyika mamugere. 56 Ipapo ndicakuitirai imi seɀandakafuŋga kuʋaitira iʋo. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society