Mapisarema 99 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jehova Mutȿene ŋgaarumbidzwe. 1 Jehova unoɓata ʋushe; ʋanhu ŋgaʋabvunde; Iye ugere pakati pamakerubi; nyika ŋgaizunuŋguswe. 2 Jehova mukuru paZioni; Uri kumsoro‐soro kwaʋanhu ʋose. 3 Ŋgaʋarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutȿene. 4 Simba ramambo rinoɗa ʋo kururamisa; Imi munosimbisa kururama, Munotoŋga muciruramisa pakati paJakobo. 5 Kudzai Jehova Mŋari weɗu, Munamate pacitsiko cetsoka dzake; Ndiye Mutȿene. 6 Mosesi naAroni pakati paʋaprista ʋake, NaSamueri pakati paʋanoɗana zita rake; Ʋakaɗana kunaJehova, iye akaʋapindura. 7 Wakataura naʋo ari mushoŋgwe yegore; Ʋakaceŋgeta ɀipupuriro ɀake nomutemo waakaʋapa. 8 Makaʋapindura, Jehova Mŋari weɗu; Maiʋa Mŋari waiʋakaŋganwira, Kunyaŋge makatsiʋa ɀaʋaiita. 9 Kudzai Jehova Mŋari weɗu, Namatai pagomo rake dɀene; Nokuti Jehova Mŋari weɗu ndiye Mutȿene. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society