Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 77 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ku simbiswa kunobva pakuraŋgarira maɓasa akare aMŋari.
Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomutoʋo waJedutuni. Pisarema raAsafi.

1 Ndicaɗana kunaMŋari nenzwi raŋgu; Kunaiye Mŋari nenzwi raŋgu, ucarerekera nzeʋe yake kwandiri.

2 Pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu ndakatȿaka Ishe; Ruʋoko rwaŋgu rwakaŋga rwakatambanudzwa ʋusiku, ndisiŋgaregi; Mŋeya waŋgu wakaramba kunyaradzwa.

3 Ndinoraŋgarira Mŋari, ndokushaiwa mufaro; Ndinofuŋgisisa, mŋeya waŋgu ndokuziya.

4 Hamutenderi meso aŋgu kutsinzina; Ndinotambudzika, handigoni kutaura.

5 Ndakaraŋgarira mazuʋa ekare, Makore eŋguʋa dzakare‐kare.

6 Ndinoɀiyeʋudzira kuimba kwaŋgu pakati poʋusiku; Ndinotaurirana nomŋoyo waŋgu; Mŋeya waŋgu wakanɀera kwaɀo.

7 Ko Ishe uŋgarasha nokusiŋgaperi? Haacazonzwiri ŋgoni here?

8 Ko tsitsi dzake dzaenda cose nokusiŋgaperi? Cipikirwa cake cakakona nokusiŋgaperi here?

9 Ko Mŋari wakaŋganwa kuʋa nenyasha? Wapfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamŋa kwake here?

10 Ipapo ndakati: Ndibgo ʋutera bgaŋgu: Asi ndicaraŋgarira makore oruʋoko rworudyi rwoWokumsoro‐soro.

11 Ndicareʋa ɀakaitwa naJehova; Nokuti ndicaraŋgarira ɀishamiso ɀenyu ɀakare.

12 Ndicafuŋgisisa ʋo ɓasa renyu rose, Nokuraŋgarira ɀamakaita.

13 Nzira yenyu, Mŋari, iri panɀimbo tȿene; Ndianiko mŋari mukuru, wakafanana naiye Mŋari?

14 Ndimi Mŋari unoita ɀishamiso; Makaratidza simba renyu pakati paʋanhu.

15 Makadzikinura ʋanhu ʋenyu noruʋoko rwenyu, Iʋo ʋanakomana ʋaJakobo naJosefa.

16 Mvura zhinji yakakuʋonai, Mŋari; Mvura zhinji yakakuʋonai, ikatya; Pakadzika pakabvunda.

17 Makore akaɗurura mvura; Ƌeŋga rose rakaɓuɗisa inzwi; Miseʋe yenyu yakafamba‐famba kwose.

18 Inzwi rokutinhira kwenyu rakaŋga riri mucampupuri; Mheni dzakavenekera nyika; Pasi pakabvunda nokuzunuŋguka.

19 Kufamba kwenyu kwakaŋga kuri muguŋgwa, Nenzira dzenyu mumvura zhinji‐zhinji, Makwara enyu akaŋga asiŋgazikanwi.

20 Makafambisa ʋanhu ʋenyu seɓoka ramakwai, Noruʋoko rwaMosesi norwaAroni.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Follow us:



Advertisements